Mabasa 7
7
Nhauro yaSitefani kuvakuru vedare
1Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?” 2Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari, 3‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’ 4Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino. 5Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana, 6Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana. 7Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’ 8Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.
9“Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye. 10Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose. 11Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya. 12Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga. 13Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao. 14Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu. 15Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa. 16Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.
17“Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji 18kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi. 19Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe. 20Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake. 21Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. 22Mosesi akadzidziswa ungwaru hose hwavaIjipiti uye akanga ane simba mumazwi ake nomuzviito.
23“Paakanga ava namakore makumi mana, akaita pfungwa yokushanyira hama dzake vaIsiraeri. 24Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti. 25Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa. 26Ramangwana racho akasvika pane vamwe vairwa. Akada kuvayananisa achiti varume muri hama nehama munoda kukuvadziranei? 27Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu? 28Asi unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipiti nezuro?’ 29Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri.
30“Kwakati kwapera makore makumi mana mutumwa akazviratidza kwaari murenje pedyo negomo reSinai murimi romoto mugwenzi. 31Mosesi paakazviona akashamiswa nezvaakaona. Paakaswedera pedyo kuti anyatsoona, izwi raTenzi rakanzwika richiti, 32‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho.’ Mosesi akadedera akatya kutarisa. 33Tenzi akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako mutsoka dzako nokuti nzvimbo yawakatsika inzvimbo inoera. 34Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo; zvino ndaburuka kuzovanunura. Saka zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ 35Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi. 36Akavaburitsa mushure mokunge aita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti nokuGungwa Dzvuku nomurenje kwamakore makumi mana. 37Ndiyeyu Mosesi wacho akati kuvaIsiraeri, ‘Mwari vachakumutsirai muporofita muhama dzenyu sokundimutsa kwaakaita. 38Iyeyu ndiye aiva negungano murenje nomutumwa akataura kwaari pagomo reSinai uye akataura namadzitateguru edu. Akagamuchira zvirevo zvipenyu zvokutipa.’
39“Madzitateguru edu akaramba kumuteerera vakamusairira kwakadaro. Mwoyo yavo yakanga yadzokera kuIjipiti 40vachiti kuna Aroni tigadzirire vamwari vokutitungamirira. ZvaMosesiwo uyu akatiburitsa munyika yeIjipiti hatizivi zvakaitika kwaari. 41Pamazuva iwayo vakaumba mhuru vakapira chibayiro kuchiumbwa chokunamata vachipemberera zvakaitwa namaoko avo. 42Mwari akavafuratirawo ndokuvati chi mukunamata gurusvusvu romudenga sokunyorwa kwazvakaitwa mubhuku ravaporofita zvichinzi:
“ ‘Makambopira kwandiri here
mhuka dzakauraiwa kana zvibayiro
kwamakore makumi mana
amaiva murenje nhaimi vaIsiraeri?
43Handiti makatakura tendhe raMoreki
nenyenyedzi yamwari Refani,
zvifananidzo zvamakaumba kuti munamate?
Ndichakudzingirai kunyika iri mberi kweBhabhironi.’
44“Madzibaba edu akanga ane tendhe rechipupuriro murenje raiva rakaita sezvakanga zvataurwa naMwari akataura kuna Mosesi kuti ariite maererano namamiriro aro aakanga amboona. 45Madzibaba eduwo akarigamuchira akauya naro pamwechete naJoshuwa pavakatorera nyika vechirudzi vaifanodzingirwa madzibaba edu naMwari. Vaiva naro kusvikira pamazuva aDhavhidhi 46akafadza Mwari. Dhavhidhi akazokumbira kuti atsvakire Mwari waJakobho pokugara. 47Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba. 48Asi wokumusorosoro haagari mudzimba dzakaitwa namaoko sokutaura komuporofita achiti,
49“ ‘Denga chigaro changu choumambo,
nyika iri iyo chitambarariko chetsoka dzangu.
Imba yorudzii yaungandivakire;
ndizvo zvinotaura Tenzi.
Ndeipi nzvimbo yandingazororere?
50Harusi ruoko rwangu here
rwakaita zvose izvi?
51Imi vanhu vomusoro wakaoma,
vanhu vomwoyo isinei naMwari,
venzeve dzisingadi kunzwa zvaMwari,
vanhu vokurwisana naMweya.
Zvaiita madzibaba enyu
ndizvowo zvamunongoita.’
52“Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda. 53Imi makagamuchira mutemo sokupiwa kwawakaitwa navatumwa asi hamuna kuuchengeta.”
Kuuraiwa kwaSitefani
54Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. 55Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari 56akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.”
57Asi vakazhamba nezwi repamusoro vakadzivirira nzeve vakamuti momote, 58ndokumuburitsa kunze kweguta vakamutaka namabwe. Zvapupu zviya zvakaisa magemenzi azvo patsoka dzerimwe jaya rainzi Sauro. 59Pavaimutaka namatombo Sitefani akanamata achiti, “Tenzi Jesu gamuchirai mweya wangu.” 60Akapfugama akadaidzira nezwi guru achiti, “Tenzi, musavape mhosva yechitadzo ichi.” Paakapedza kutaura akabva avata hope dzokupedzisira.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.