Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 26

26
III: ZVAKAWIRA JEREMIYA MUUPENYU
A: MASHOKO OKUSUMA JEREMIYA, MUPOROFITA WECHOKWADI
Kupomerwa mhosva yokutsoropodza Temberi kwaJeremiya
(Zvitsauko 26—45)
1Mukutanga kutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, shoko iri rakabva kuna Tenzi rokuti, 2“Zvanzi naTenzi mira muruvanze rwemba yaTenzi utaurire vamaguta ose zvawo okwaJudha vanouya kuzonamata mumba yaTenzi mashoko ose andinokuudza kuti uvataurire, rega kuva neshoko rimwe zvaro raunovanza. 3Zvimwe vangateerere, munhu wose akatendeuka pakuita kwake kwakaipa kuitira kuti ndirege kuita kwavari chakaipa chandanga ndavarongera pamusana pezvakaipa zvavakaita.
4“Unofanira kuvataurira kuti zvanzi naTenzi kana mukarega kunditeerera kuti mufambe mumurau wangu wandakaisa pamberi penyu, 5kana kunzwa mazwi avaranda vangu vaporofita vandinokutumirai zvechimbichimbi kunyange zvazvo imi musina kumboita hanya nazvo, 6nezvo Temberi#26:6 Temberi: Imba iyi muchiHebheru munoti imba. iyi ndava kuiita sezvandakaita yokuShiro uye guta rino ndichariita kuti rive guta rakarengererwa rushambwa pamarudzi ose apasi pano.”
7Vapristi navaporofita navanhu vose vakanzwa Jeremiya achitaura mazwi iwaya mumba yaTenzi. 8Jeremiya paakanga apedza kutaura zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuti ataurire vanhu vose, ipapo vapristi navaporofita vakamubata vachiti, 9“Unotopafa chete! Waporofitirei muzita raTenzi uchiti Temberi ino ichaitwa sezvakaitwa yokuShiro uye kuti guta rino richava dongo risina anogaramo?” Izvozvo vanhu vose vakaunganira Jeremiya imomo mumba yaTenzi.
10Machinda okwaJudha paakanzwa zvinhu izvi akabuda achibva mumuzinda wamambo achienda kumba yaTenzi akasvikogara muzvigaro zvawo panopindwa napo kuSuo Guru Idzva remba yaTenzi. 11Vapristi navaporofita vakataurira machinda navanhu vose kuti, “Murume uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti aporofita achinangana neguta rino iri sezvamazvinzwirawo imi nenzeve dzenyu.”
12Jeremiya ndokubva ataura kumachinda ose nokuvanhu vose achiti, “Tenzi akandituma kuzoporofita ndakanangana nemba ino uye neguta iro rino mashoko ose amanzwa. 13Saka zvino chitogadziridzai nzira dzenyu nezviito zvenyu mugoteerera inzwi raTenzi, Mwari wenyu. Tenzi achadzora mwoyo orega kuita kwamuri zvaakareva nezvenyu. 14Kana ndiri ini, hezvika ndiri mumaoko menyu, itai henyu neni zvamunoona kuti zvakanaka uye zviri pamwero. 15Asi munofanira kunyatsoziva kuti kana mukandiuraya muchapfukirwa neropa risina mhaka, imi, neguta rino navagari varo nokuti zvechokwadi Tenzi akandituma kwamuri kuzotaura mashoko ose iwaya muchizvinzwa nenzeve dzenyu.”
16Machinda navanhu vose vakabva vati kuvapristi nokuvaporofita, “Murume uyu haafanire kutongerwa rufu nokuti ataura kwatiri muzita raTenzi, Mwari wedu.” 17Ipapo vamwe vakuru vakuru venyika iyi akasumuka akataurira gungano ravanhu vose ivavo kuti, 18“Mika wokuMoresheti akamboporofita mumazuva aHezikiya mambo wokwaJudha achitaurira vanhu vose vokwaJudha achiti:
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo
guta reZioni richarimwa somunda,
Jerusaremu ichava murwi wamatongo
gomo reTemberi richasara rava sango zvaro
riri pakatunhumara.
19Ko Hezekiya mambo wokwaJudha neJudha yose vakamuuraya here? Haana here kutya Tenzi akateterera kuti Tenzi amuitire tsiye nyoro? Uye Tenzi haana here kuzodzora mwoyo orega kuita kwaari zvakaipa zvaakanga avazivisa? Asi isu tava kutozvidenhera nhamo huru!”
20Kune mumwe murume akaporofita muzita raTenzi, ainzi Uriya mwanakomana wokwaShemiya anobva kuKiraitijearimu. Iyeyo akaporofitawo achinangana neguta iro rino iri nenyika ino namazwi akafanana neari kutaurwa naJeremiya. 21Mashoko iwayo paakasvika munzeve dzamambo Jehoyakimu pamwechete navarwi vake vehondo namachinda ake, mambo akada kumuuraya. Asi Uriya paakazvinzwawo akatya ndokubva atiza akaenda kuIjipiti. 22Mambo Jehoyakimu akazotumira kuIjipiti vamwe varume, vanoti Erinatani mwanakomana waAkibhori navamwewo varume vaaiva navo. 23Vakandotora Uriya kuIjipiti vakauya naye kuna mambo Jehoyakimu, mambo akamuuraya nebakatwa akakanda chitunha chake munzvimbo yokuviga voruzhinji.
24Asi Jeremiya akachengeteka mumaoko maAhikamu mwanakomana wokwaShafani zvokuti haana kuzoturirwa kuvanhu kuti vamuuraye.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 26: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda