Jona Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raJona rinotaura rungano rwomuporofita anonzi Jona airamba kuteerera Mwari. Jona akatumwa naMwari kundoparidza kuvanhu vokuNinivhe shoko raMwari kuti vatendeuke kuti Mwari agorega kuvaparadza. Ninivhe raiva guta ravanhu vaivengana zvikuru navaJudha. Jona aitoda kuti Ninivhe iparadzwe. Panze pokuenda kuNinivhe kwaanga atumwa akatokwira chikepe otizira kuTashishi. Jona akazokandwa mugungwa navachairi vechikepe nokuti zvakaonekwa kuti ndiye aikonzera dutu mugungwa. Akamedzwa nehove yakaenda naye ikasvikomurutsa kumahombekombe eNinivhe. Jona akazofamba achitaurira vanhu veNinivhe zvaakanga atumwa naMwari. Ivo vakabva vapinduka vakatsanya, Mwari akavaregerera. Izvozvi ndizvo zvakanga zvisingadiwi naJona. Iye aitoda kuti dai Ninivhe yaparadzwa.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJona
Kutumwa kwaJona nokuramba kwake (1:1–17)
Jona anonamata ari mudumbu rehove anunurwa naMwari (2:1–10)
Shoko raJona kuNinivhe (3:1–10)
Mwari anonzwira Ninivhe tsitsi (4:1–11)
Zvasarudzwa nguva ino
Jona Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: