Nziyo 21
21
Muimbisi, urwu rwiyo rwaDhavhidhi.
Rumbo rwokukurira
1Mambo anofara nesimba renyu, TENZI,
anofarira zvikuru kuponesa kwenyu.
2Makamupa zvaiva pamwoyo pake
uye hamuna kumunyima zvaakakumbira
nomuromo wake.
Dzepfunde
3Makamuchingura nezvikomborero zvakanaka
mukamugadza chiremba chendarama
chakanakisisa mumusoro make.
4Akakukumbirai upenyu mukamupa,
mazuva akawanda nokusingaperi.
5Ano mukurumbira mukuru
pamusana porubatsiro rwenyu rwunoponesa.
Makamupa umambo norukudzo.
6Nokuti makaisa zvikomborero zvenyu
paari nokusingaperi
uye anofara nokuvapo kwenyu
7nokuti mambo anovimba naTENZI
uye haambosudurutswa pamusana
pemwoyochena wanyakumusorosoro.
8Ruoko rwenyu ruchabata
vavengi venyu vose.
Ruoko rwenyu ruchabata vanokuvengai.
9Muchavaita sevira romoto
pamuchazviratidza
TENZI achavamedza nehasha dzake,
vacharoromeswa nomoto.
10Muchaparadza vana vavo panyika
uyewo vana vavo pakati pavanhu.
11Kana zvavo vakafunga zvakaipa zvokukuitirai,
kana vakaronga mazano akaipa havambobudirira
12nokuti muchavamhanyisa
makanongedza uta hwenyu kuuso hwavo.
13Munofanira kurumbidzwa zvenyu, imi
TENZI, pamusana pesimba renyu.
Tichaimba tichirumbidza simba renyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 21: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.