Nziyo 64
64
Muimbisi, urwu Rumbo rwaDhavhidhi.
Mwari ndidzivirireiwo
1Inzwai izwi rangu Mwari pandinonyunyuta,
ndidzivirireiwo kumuvengi anotyisa.
2Ndivandisei kune zvinorongwa muchivande navakaipa
kuzvinhu zvinoranganwa navakaipa.
3Vanorodza ndimi dzavo samapakatwa
vachinangisa mazwi anorwadza semiseve.
4Vanopfura asina mhaka vakahwandira
vachimupfura zvisina yambiro vasingatyi.
5Vanotsungirira kuita zvakaipa,
vanokurukura nezvokuteya misungo muchivande
vachiti, “Ndiani anotiona?”
6Vanotsvaga mhosva dzokupara vozoti,#64:6 Vozoti: ChiHebheru chendima iyi hachina kunyatsoti tasa.
“Tanyatsoronga kwazvo uipi uhu
nokuti pfungwa nemwoyo womunhu zvakadzama.”
7Asi Mwari achavapfura nomuseve wake
achivakuvadza zvechivhurumukira.
8Rurimi rwavo ndirwo rwuchavapisa mhosva
vose vachavaona vachadzungudza musoro.
9Ipapo vanhu vose vachatya
vachakurukura zvinenge zvaitwa naMwari
vachirangarira zvaanenge aita.
10Vakarurama ngavapembere kufara
muna TENZI vavande maari.
Vose vakanaka mwoyo ngavapururudze.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 64: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: