Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 83

83
Rwiyo urwu rumbo rwaAsafu.
Kukumbira Mwari kuti vavengi veIsiraeri vakundwe
1Mwari regai kunyarara,
regai kungoti zii-i kudaro, Mwari
kana kuramba makangoti zirikiti kunyarara.
2Tarisai muone kuti vavengi venyu
vari kuita bongozozo,
vanokuvengai vari kusimudza musoro.
3Vanoita mazano omuchivande,
okurwisa vanhu venyu,
vanorangana pachavo vanhu vamunochengetedza.
4Vanoti, “Ngativatsvairei rudzi rwose,
zita reIsiraeri rirege kuzomboyeukwazve.”
5Vanobva vaita rimwe, kubatana kwazvo
vachiita chitsidzirano chokurwisa imi
6pamwechete nevemba yokwaEdhomu nevemba yokwaIshimaeri
nevekwaMoabhu nevokwaHagari
7nevekwaGebhari, nevekwaAmoni
nevekwaAmareki, nevechiFirisitia
navagari vokuTire.
8VaAsiria vabatanawo navo
ndivo vabatsiri vakuru
nevokwaRoti.
Dzepfunde.
9Vaitei sezvamakaita vaMidhia
kana zvamakaita Sisera naJabhini
kurwizi rweKishoni.
10Vakaparadzwa kuEndori,
vakave mupfudze wevhu.
11Itai kumakurukota avo
sezvamakaita kuna Orebhu naZeebhu;
machinda avo ose sezvakaita Zebha naZarimuna
12vakati, “Ngatizvitorerei zvedu
mafuro aMwari.”
13Mwari wangu vaitei sohuruva yechamupupuri
sehundi inopupurutswa nemhepo.
14Sokupisa kunoita moto sango
sezvinoita rimi rinoririmisa makomo,
15saizvozvo varondei nedutu renyu
muvatyisidzire nemhepo ine simba.
16Vadonhedzei uso nenyadzi
kuti vatsvake zita renyu TENZI.
17Ngavanyadziswe vanyare nokusingaperi
ngavaparadzwe zvinonyadzisa.
18Ngavazive kuti imi moga,
mune zita rokuti Yahweh
ndimi Mukurukuru pasi pose.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 83: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda