Varoma 10
10
1Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe. 2Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, 3nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. 4Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe.
Ruponeso nderwavanhu vose
5Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” 6Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) 7kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). 8Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), 9nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. 10Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. 11Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, 12nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, 13nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa.
VaIsiraeri havana chikonzero chokusatenda
14Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. 15Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. 16Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. 17Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ”
18Asi zvandinobvunza ndezvokuti havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti izwi ravo rakaenda pasi pose mazwi avo akasvika kwakaperera nyika. 19Ndinobvunzazve kuti Isiraeri haina kunzwisisa here? Mosesi ndiye anototanga kuti:
“Ndichaita kuti muitire shanje vasiri rudzi,
mushatirirwe rudzi rusina musoro.”
20Isaya anoitawo chivindi chokuti
ndakawanikwa navavo vasina kunditsvaka
ndakazviratidza kune vasina kundibvunza
21asi nezveIsiraeri anoti,
“Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu
kuna vanhu vasingateereri, vanhu venharo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 10: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: