Varoma 8
8
B: UPENYU HWEMWEYA HOMUKRISTU
Upenyu hwoMweya
1Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, 2nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. 3Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. 4Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya#8:4 Hwomweya: Hwomweya kana kuti hwamweya. 5nokuti vanogara upenyu hwenyama pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvenyama asi vanogara upenyu hwomweya pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvomweya. 6Kutorwa mwoyo nezvinhu zvenyama rufu. Asi kuisa mwoyo wako kune zvomweya upenyu norugare 7nokuti mwoyo wakapindwa nezvenyama unovengana naMwari, hauzviisi pasi pomutemo waMwari. Izvo zviri izvowo, haungakwanisi kuita saizvozvo. 8Avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari.
9Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu.
Imi muina Mweya#8:9 Mweya: Vamwe vanoti Mweya ndiye upenyu hweyu. Mutsvene,
kana Mweya waMwari ari mamuri zvechokwadi.
Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake.
10Asi kana Kristu ari mamuri,
kunyange miviri yenyu yakafa
nokuda kwechitadzo,
mweya yenyu mipenyu pamusana poururami.
11Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi
achigara mamuri,
iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa
achapa upenyu kumiviri yenyu inofa
nokuna iyewo Mweya anogara mamuri.
12Saizvozvo, hama, dzangu
hatina chikwereti kunyama
kuti tigare upenyu hwenyama
13nokuti ukagara upenyu hwenyama, uchafa
asi kana ukauraya, naMweya, zviito
zvomuviri uchararama.
Vana vaMwari
14Vose vanotungamirirwa naMweya waMwari
vana vaMwari
15nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda
kuti mupindezve mukutya
asi makagamuchira Mweya wokuti muve vana.
Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha, Baba.”
16Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu
kuti tiri vana vaMwari.
17Zvino kana tiri vana,
tiri vagari venhaka.
Tiri vagari venhaka yaMwari
uye vagari venhaka pamwe naKristu.
Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye
kuti tigozorumbidzwa pamwe naye.
Mbiri ichava yavana vaMwari
18Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. 19Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, 20nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. 21Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. 22Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino. 23Hazvisi zvisikwa zvoga asi kana iyesuwo tine zvipo zvokutanga zvaMweya, tinogomera mukati medu, tichimirira kuti titorwe savana kuri iko kununurwa kwemiviri yedu. 24Nokuti takaponeswa nechitarisiro ichocho. Chinhu chaunotarisira kana chichionekwa zvokutarisira hapana nokuti ndiani angatarisire chinhu chaarikuona. 25Asi kana tichitarisira chatisiri kuona tinochimirira nomwoyo murefu.
26Ndizvozvowo naMweya, anotibatsira muutera hwedu nokuti hatizivi kuti tinofanira kunamata sei. Asi Mweya pachake anotinamatira achitura femo rakadzama zvisingatauriki. 27Iye Mwari anoongorora hana dzavanhu anoziva zviri mupfungwa dzaMweya nokuti iye Mweya anonamatira vakarurama maererano nezvinoda Mwari.
Mwari wakatidaidza kuti tigoverane mbiri yake
28Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake 29nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji. 30Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri.
Rudo rwaMwari kwatiri muna Jesu
31Ko zvino totiiko nezvakadai izvi. Ko Mwari zvaari kudivi kwedu, ndiani angatirwise 32iye asina kuramba noMwanakomana wake waakatopirira isu tose. Haazotipawo here zvinhu zvose pamwechete naye. 33Zvino ndiani angape mhosva vasarudzwi vaMwari, Mwari zvaari iye anoruramisa. 34Ndiani angatipe mhosva? NdiJesu Kristu here iye akafa akamutswa muvafi ari kurudyi rwaMwari, iye anototireverera? 35Ndiani angatiparadzanise norudo rwaKristu? Kutambudzika here kana kuti nhamo, kana kushushwa here kana nzara kana kushaya zvokupfeka here kana pfumvu kana hondo yebakatwa here: 36sokunyorwa kwazvakaitwa,
“Tiri kuurairwemi zuva rose,
tinoonekwa sehwai dzokubaya?”
37Aiwa muna zvose izvi tiri vakundi vokutopfuuridza nokuna iye akatida 38nokuti ndine chokwadi chokuti hapana rufu kana upenyu kana vatumwa kana vano ukuru ukuru kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvichauya kana masimba, 39kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 8: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: