Varoma 9
9
C: CHINHANHO CHAISIRAERI
Mwari navanhu vake vaIsiraeri
1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema uye hana yangu iina Mweya Mutsvene inondipupurira 2kuti ndinosuruvara uye ndinoramba ndichishushikana mumwoyo zvikuru. 3Ndingatoda zvangu kuti iyeni pachangu ndipinde rushambwa uye kuti ndichekaniswe zvangu ukama naKristu pamusana pehama dzangu voukama nemi parudzi. 4Ivava vaIsiraeri uye ndivo vana vane mbiri, vakaitwa navo zvitenderano vakapiwa mutemo, vanamati vane zvavakapikirwa. 5Ndivo vechizvarwa chamadzitateguru aya parudzi rwavo uye pamazvarirwo anoitwa vanhu, ndikowo kwakabva Kristu. Iye Mwari anotonga vose ngaarumbidzwe nokusingaperi.#9:5 “Iye Kristu Mwari anotonga zvose.”
Mwari akachengeta chitsidzo chake
6Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. 7Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” 8Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. 9Chitsidzo chacho chaiti:
“Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi,
ipapo Sara achava nomwana mukomana.”
10Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; 11kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, 12“Mukoma achashandira munun'una.” 13Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.”
Mwari zvaakaita zvino ruenzaniso
14Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo 15nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.” 16Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. 17Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” 18Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo.
Hasha netsitsi dzaMwari
19Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. 20Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” 21Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. 22Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa 23pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. 24Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? 25Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti:
“Avo vakanga vasiri vanhu vangu
ndava kuvati vanhu vangu,
vandaiti havasi vapamwoyo
ndava kuvati vapamwoyo.”
26Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi,
“Hamusi vanhu vangu,
vachanzi vana vaMwari mupenyu.”
27Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti,
“Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa
asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa
28nokuti Tenzi achatoranga
nyika uye nokukurumidza.”
29Sokufanotaura kwakaita Isaya achiti,
“Dai Tenzi wehondo nehondo
asina kutisiira vana
tingadai takaita seSodhomu
kana kuita seGomora.”
Isiraeri neshoko raMwari
30Zvino toti kudiniko? Toti here vechirudzi vasina kutevedza ururami vakahuwana? Zvichireva ururami hunowanikwa nechitendero? 31Tochitiwo vaIsiraeri vakatevedza urarami hunowanikwa nokuchengeta mutemo vakakundika kudzidzisa mutemo iwoyo here? 32Pamusana pei? Nokuti havana kuutevedza nechitendero asi vaiita sokunge hunowanikwa namabasa. Vakagumburwa nedombo rinogumbura 33sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi:
“Hezvo ndaisa dombo muZioni
richaita kuti vazhinji vagumburwe
ibwe richaita kuti vaputsike.
Anotenda maari haazonyadziswi.”
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.