Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo 4

4
CHIKOMBA
1Hakusi kunaka ikoko,
chido chemwoyo wangu,
hakusi kunaka kwawakaita!
Iwo maziso ako aya, ungati injiva chokwadi
muvhoiri mako imomo.
Iro vhudzi rako ungati idanga rembudzi
dziri kuita murikitira
pamateru eGireadhi.
2Iwo mazino acho,
ungati idanga zvaro rehwai
dzavakuda kuveurwa
padzinobuda madzinoshambidzwa.
Dzose dziina mapatya
pasina kana yakasvodza.
3Iyo miromo yako iyi,
kuita setambo tsvuku chaiyo.
Muromo wako wakazonaka!
Ndoda katauriro kako!
Hakusi kutapira mhani ikoko.
Matama ako
ungati muchero wamapomegiraniti
wakachekwa nepakati
muvhoiri mako imomo.
4Mutsipa wako
heyo shongwe zvayo yaDhavhidhi
yakavakwa senhurikidzwa
pakarembera churu chenhoo.
Dzose dziri nhoo dzamagamba ehondo.
5Iwo mazamu ako ari maviri,
ungati zvimhuru zviviri zvemhara,
mapatya chaiwo emhara
dziri kufura zvadzo
mukati mamaruva amariri.
6Kwofefetera kusvikira rungwanani
rima raenda,
ndichazvitututsa kumakomo emura
uye kugomo rorusenzi.
7Wakazonaka ufunge, chido chemwoyo wangu,
hauna kana kan'an'a zvako.
8Ngatichibva kuno kuRebhanoni, mwenga wangu
ngatichibvai kuno kuRebhanoni,
Tiza#4:8 Tiza: ChiHebheru pano apa chinoti, “Tarisa.” panhongonya yegomo reAmana
ubve pamusoro pemakomo eSeniri neHerimoni
ubve mumapako eshumba
nomumakomo embada.
9Wanditora mwoyo
mwana wamai,
mwenga wangu.
Wanditora mwoyo
nokungonditi tarise kwawaita
uye nechishongo chako chimwechete chomuhuro.
10Hakusi kunaka kwakaita rudo rwako,
mwana wamai,
iwe mwenga wangu.
Rudo rwako
kana waini inosara pasi.
Twokubikisa tunonhuwirira twuya
pamafuta ako anonhuwirira hatupasviki.
11Mumiromo mako munobuda usvisvi hunotapira,
mwana wamai
pasi porurimi rwako mukaka oga nouchi.
Kunhuwirira kwehembe dzako
ungati kunhuhwirira kweRebhanoni.
12Hanzvadzi yangu,
iye mwenga wangu uyu
ibindu rakakiiwa,
kasipiti zvako kakanamirwa
13mabukira ako munda chaiwo
wamapomegiraniti
une michero yakanakisisa
yeHena ine Nadhi.
14Ine Nadhi neSafuroni
neKaramusi nechinamoni
nemiti yose yorusenzi
nemura negavakava
uyewo tunonhuwirira twukuru-twukuru.
15Mune Kasipiti kebindu,
tsime remvura mhenyu
netukova tunoyerera
tuchibva kuRebhanoni.
MWENGA
16Iwe mhepo yokuchamhembe muka,
uya iwe mhepo yokuMaodzanyemba;
vhuvhuta pabindu rangu.
Kunhuwira kwaro
kupeperetsere kose kose.
Mudiwa wangu ngaauye kubindu rake
adye michero yaro yakanakisisa.

Zvasarudzwa nguva ino

Rwiyo 4: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda