1 Vakorinde 12
12
Zvipo zvaMweya Mutsvene
1Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. 2Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. 3Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. 4Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. 5Kune mhando dzamabasa dzakasiyana–siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. 6Kune mhando dzokushanda kwakasiyana–siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. 7Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. 8Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo; 9mumwewo chipo chechitendero chinobva kuna Mweya mumwecheteyo. Mumwewo chipo chokurapa chinopiwa naMweya mumwecheteyo. 10Kuno mumwe chipo chokuita zvishamiso; kuno mumwewo chipo chokuporofita; mumwewo achipiwa chipo chokusiyanisa mweya yakaipa neyakanaka; kuno mumwewo chipo chokutaura nendimi dzakasiyana–siyana; mumwewo chipo chokududzira ndimi. 11Zvose izvozvi zvinofemerwa naMweya mumwecheteyo anogovera munhu nomunhu sokuda kwake.
Muviri mumwechete une nhengo zhinji
12Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu. 13Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete.
14Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. 15Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. 16Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. 17Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? 18Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. 19Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi. 20Sezvazviri, iye zvino, kune mitezo yakawanda asi muviri uri mumwechete. 21Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe;” kanawo musoro kuti uti kumakumbo, “Handina basa nemi.” 22Asi zvinotovapo ndezvizvi zvokuti mitezo yomuviri inoita seisina kusimba ndiyo isingafaniri kushaika. 23Uye, mitezo yomuviri yatinoona seisingakudzikani, ndiyo yatinonyatsoremekedza. Mitezo inonyadzisa inoremekedzwa zvakatoti, 24zvisingadiwe nemitezo yedu isinganyadzisi. Asi Mwari akanyatsogadzira muviri, achipa rukudzo kune mutezo usina basa guru; 25izvi kuri kuti parege kuva nokupesana mumuviri asi kuti mitezo ienzane pakuchengetana. 26Kana mumwe mutezo ukarwadziwa yose inorwadziwa pamwechete. Kana mumwe mutezo ukakudzwa yose inofara pamwechete.
27Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo. 28Mwari akapa vanhu mabasa musangano sezvizvi, vokutanga vapositori, vechipiri vaporofita, vetatu vadzidzisi kouya vaiti vezvishamiso koti varapi kozoti vabatsiri navafambisi vamabasa navatauri vendimi dzakasiyana–siyana. 29Ko vose vapositori here? Ko vose vaporofita here? Ko vose vadzidzisi here? Ko vose vanoita zvishamiso here? 30Ko vanhu vose here vane zvipo zvokurapa? Ko vanhu vose here vane chipo chendimi? Ko vanhu vose here vanodudzira? 31Asi disisai kuva nezvipo zvikuru. Ini ndichakuratidzai nzira yakatonyanyonakisisa.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: