1 Johani 4
4
3 Unofanira kuchenjerera mhandu dzaKristu nenyika
1Vadikanwi regai kungotenda#4:1 Kungotenda: Kana kuti kudavira. mweya wose wose,
asi edzai mweya iyoyo
muone kuti inobva kuna Mwari here
nokuti vaporofita venhema vazhinji
vapararira nenyika.
2Zvamunoziva nazvo Mweya waMwari ndezvizvi:
Mweya wose unopupura kuti,
Jesu Kristu akauya nomuviri, ndowaMwari.
3Mweya wose usingapupuri izvozvi nezvaJesu, hausi waMwari.
Uyu ndiwo mweya wemhandu yaKristu#4:3 Mhandu yaKristu: Munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu, Mesia (tarisa 2:22)
wamakambonzwa kuti uri kuuya
iye zvino watova pasi pano.
4Vanangu imi muri vanhu vaMwari,
imi makatovakurira#4:4 Makatovakurira: Vari kurehwa apa vaporofita venhema pamwechete nemweya yakaipa iyoyo inovaitisa zviporofita zvenhema.
Nokuti iye ari mamuri
mukuru kupinda satani#4:4 Satani: MuchiGiriki munoti iye. ari pasi pano.
5Ivo ndevepasi pano
naizvozvo zvavanotaura ndezvapasi pano
uye nyika inovateerera.
6Isu tiri vanhu vaMwari,
anoziva Mwari anotiteerera,
asiri waMwari haatiteereri.
Izvozvi ndizvo zvinotiratidza
mweya wechokwadi nomweya usiri wechokwadi.
III: MATSIME MAVIRI: RUDO NECHITENDERO
I Tsime rokutanga, tsime rerudo—Mwari rudo
7Vadikanwi ngatidananei
nokuti rudo runobva kuna Mwari.
Munhu wose ano rudo akaberekwa naMwari
uye anoziva Mwari.
8Asina rudo haazivi Mwari
nokuti Mwari rudo.
9Rudo rwaMwari rwakaratidzwa pakati pedu
nezvizvi zvokuti
Mwari akatuma Mwanakomana wake mumwechete
pasi pano kuti tiraramiswe naye.
10Urwu ndirwo rudo sezvarwuri izvi
kwete rwokuti isu ndisu takada Mwari
asi rwokuti iye ndiye akatida.
Akatitumira Mwanakomana wake
kuti ave chibayiro chokupfupira zvitadzo zvedu.
11Vadikanwi, kana Mwari akatida zvakadai
isuwo tinofanira kudanana.
12Hapana munhu ati amboona Mwari
asi kana tichidanana,
Mwari anogara matiri
uye rudo rwake matiri
runobva rwazadziswa zvokuperera.
13Zvatinoziva nazvo kuti tigere takabatana naMwari
uye kuti Mwari agere abatana nesu
ndezvizvi zvokuti iye akatipa Mweya wake.
14Isuwo takaona uye tinopupura
kuti Baba vakatuma mwanakomana wavo
somununuri wapasi.
15Munhu wose anopupura
kuti Jesu Mwanakomana waMwari,
Mwari anogara maari iye anogarawo muna Mwari.
16Saizvozvo tinoziva uye tinotenda
murudo rwaMwari kwatiri.
Mwari rudo; munhu anogara murudo
anogarawo muna Mwari
Mwariwo anoramba ainaye.
17Muna izvozvi, rudo runobva rwazadzikiswa zvokuperera matiri
kuti tive neruvimbo
pamusi wokutongwa,
nokuti zvaari ndizvowo zvatiri pasi pano.
18Pane rudo hapana kutya
uye rudo rwakaperera runodzinga kutya
nokuti uyo anotya anenge achitya kurangwa.
Munhu anotya kurangwa
rudo rwake haruna kuperera.
19Isu tine rudo nokuti akatanga kutida.
20Kana munhu achiti anoda Mwari
asi achivenga mumwe wake, munyepi
nokuti asingadi mumwe wake waanoona,
haangakwanisi kuda Mwari waasati amboona.
21Mutemo watinawo unobva kwaari ndouyu unoti:
Munhu anoda Mwari
anofanirawo kuda mumwe wake.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.