Mabasa 14
14
Bhanabhasi naPauro vanoparidza kuIkoniumu
1KuIkoniumu vakapinda vose pamwechete musinagogu yavaJudha vakataura zvokuti boka guru ravaJudha navaGiriki rakatenda. 2Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaisa mweya wokupanduka mukati mevechirudzi vakavapengesa kuti varwise vehama. 3Nokudaro vakagara kwenguva ndefu vachitaura nechivindi nezvaTenzi. Iyewo Tenzi, akapupurira Shoko rake renyasha nokupa kwaakaita zviratidzo nezvishamiso kuti zviitwe namaoko avo. 4Asi vanhu veguta iroro vakanga vakakamukana. Vamwe vaiva kurutivi rwavaJudha vamwe vari divi ravapositori.
5Vechirudzi navaJudha navatongi vavo pavakanga vachironga kuvatambudza uye kuvataka namabwe, 6vakazviziva vakatizira kuRisitira nokuDhebhe maguta enyika yeIkoniumu uye kunyika yakatenderedza. 7Ikoko vakaparidza Shoko Rakanaka.
KuRisitira nokuDhebhe
8KuRisitira kwaiva nomumwe murume aingogara asingakwanisi kufamba namakumbo ake. Akanga ari mhetamakumbo chizvarirwo chake, asina kana kutombofamba. 9Akateerera Pauro achitaura. Pauro akanyatsomutarisisa. Paakaona kuti ane chitendero chokuti angaponeswe 10akataura nezwi riri pamusoro akati, “Simuka umire namakumbo ako.” Iye akakwakuka akafamba. 11Mhomho yavanhu payakaona zvakanga zvaitwa naPauro yakadaidzira nechiRikaonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri vakaita savanhu.” 12Bhanabhasi vakamuti ndiZeusi, Pauro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru, vakamuti ndiHeremesi. 13Mupristi waZeusi aiva neTemberi pamberi peguta, akauya namadhonza uye anamaruva kumisuo mikuru achida kupira chibayiro pamwechete navanhu.
14Vapositori, vanaBhanabhasi naPauro, pavakazvinzwa vakabvarura nguwo dzavo neshungu. Vakamhanya mumhomho yavanhu vachidaidzira vachiti, 15“Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo. 16Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. 17Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.” 18Kunyange namazwi aya vakange votoda kukundika kurambidza vanhu ava kupira chibayiro kwavari.
19Asi kwakava navaJudha vakabva kuAndiyoku nokuIkoniumu vakafurira vanhu vakataka Pauro namabwe vakamuzvuvira kunze kweguta vachifunga kuti afa. 20Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe.
Bhanabhasi naPauro vanodzokera kuAndiyoku yokuSiria
21Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku 22vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda. 23Pavakavasarudzira vakuru vakuru musangano rimwe nerimwe vachinamata nokutsanya, vakavakumikidza kuna Tenzi wavakanga vakatenda maari.
24Vakazopfuura nokuPisidhia vakasvika kuPamufuria. 25Vakati vaparidza shoko muPeriga vakazodzika kuAtaria. 26Kubva ipapo vakaenda nechikepe kuAndiyoku kuya kwavakaturirwa kunyasha dzaMwari zvichiitira basa irori ravakanga vachangopedza kuita.
27Pavakasvika vakaunganidza sangano vakataura zvose zvakaitwa naMwari achivashandisa uye kuti Mwari akanga azarura sei musuo wechitendero kune vechirudzi. 28Vakagara ikoko navadzidzi kwenguva ndefu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 14: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.