Mabasa 2
2
Kuuya kwaMweya Mutsvene paPendekositi
1Zuva rePendekositi parakasvika, vakanga vari panzvimbo imwechete. 2Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. 3Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. 4Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure.
5Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha, vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. 6Nokunzwa kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa vachitaura norurimi rwake. 7Vakakatyamara vakashamiswa vachiti, “Vose vari kutaura ava havasi vokuGarirea here? 8Zviri kuitika sei kuti mumwe nomumwe wedu ari kuvanzwa vachitaura norurimi rwake? 9Panoti vaPatia navaMidhia koti vaEramu navagari vokuMesopatamia nokuJudhea novokuKapadhosia kozoti vokuPondusi neAsia 10kouyawo vokuFirigia novokuPamufiria kozotiwo vokuIjipiti novokune dzimwe nzvimbo dzeRibhia pedyo neKurini. Kune vaenzi vanobva kuRoma vechiJudha navakapindukira kuchiJudha. 11Kune vokuKiriti nevokuArabhia. Tiri kuvanzwa vachitaura mundimi dzedu mabasa makuru aMwari.” 12Vose vakakatyamara vakakangaidzwa vachitaurirana vachiti, “Ko zvinoreveiko izvi?” 13Asi vamwe, vachishora, vakati, “Vaguta waini itsva.”
Kuparidza kwaPita pagungano rePendekositi
14Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu 15nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe.#2:15 Zvinoreva madziyamushana kana kuti madziyazuva iri awa yechipfumbamwe mangwanani (9:00) 16Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti,
17“ ‘Mumazuva okupedzisira,
ndizvo zviri kutaura Mwari,
ndichadururira Mweya wangu
pamusoro pavanhu vose.
Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita.
Vechidiki venyu vachaona zviratidzo,
vakwegura venyu vacharotswa hope.
18Kunyange pavaranda vangu vechirume
navaranda vangu vechikadzi,
mumazuva iwayo
ndichadururira Mweya wangu
ivo vachaporofita.
19Ndichaita zviratidzo mumatenga'mu
nezviratidzo panyika pasi pano,
zveropa nemoto nebwititi routsi.
20Zuva richasandurwa kuva rima,
mwedzi ugoita ropa;
zuva guru raTenzi risati rasvika,
zuva guru, zuva risingaitiki.
21Zvichaitika kuti ani naani
anodana zita raTenzi achaponeswa.’
22“Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu, 23Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo. 24Asi Mwari akamumutsa amusunungura marwadzo orufu nokuti zvakanga zvisingagoneki kuti arambe akasungwa narwo. 25Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti:
“Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose
nokuti ari kurudyi kwangu
kuti ndirege kuzunguzwa.#2:25 Tarisa Nziyo 16:8.
26Naizvozvo mwoyo wangu unofara
uye rurimi rwangu rwakapembera kufara
uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro.
27Nokuti hamungasii mweya wangu
munzvimbo yavafi
kana kurega mururami wenyu achiora.
28Makandizivisa nzira youpenyu
muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.”
29“Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. 30Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, 31akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti,
“Haana kusiiwa munzvimbo yavafi
uye muviri wake hauna kuora.
32“Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. 33Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. 34Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi:
“Tenzi akati kuna Tenzi wangu,
‘Gara kurudyi kwangu#2:34 Tarisa Nziyo 110:1.
35kusvikira ndaita vavengi vako
chitambarariko chetsoka dzako.’
36“Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.”
37Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” 38Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. 39Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.”
40Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” 41Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu. 42Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata.
Mugariro waiita vakristu vokutanga
43Vose vakawirwa nokutya uye zvishamiso nezviratidzo zvizhinji zvakaitwa nomuvapositori. 44Vose vaitenda vaigara pamwechete, zvinhu zvavo zviri zvavo vose. 45Vaitengesa zvavaiva nazvo nezvinhu zvavo vachizvigovera vose, munhu achipiwa zvaainge asina. 46Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa 47vachirumbidza Mwari vachidiwa navanhu vose. Tenzi vaiwanziridza uwandu hwavo zuva nezuva hwaavo vainge vachiponeswa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: