Mabasa 3
3
Pita naJohani vanorapa mhetamakumbo
1Rimwe zuva Pita naJohani vaienda kuTemberi panguva dzokunamata paawa yechitatu masikati. 2Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi, 3paakaona Pita naJohani vava kuda kupinda muTemberi, akavakumbira rubatsiro. 4Pita aina Johani akanyatsomutarisisa akati, “Titarise,” 5iye ndokuvanan'anidza achitarisira kugamuchira chimwe chinhu kwavari. 6Asi Pita akati, “Sirivha kana ndarama handina, asi ndinokupa chandinacho. Muzita raJesu Kristu weNazareti, ‘Chifamba.’ ” 7Ndokubva amubata ruoko rworudyi achimusimudza. Pakarepo tsoka dzake nezviziso zvadzo zvakabva zvasimba. 8Akakwakuka akamira akafamba akapinda muTemberi pamwechete navo achiti pamwe fambei pamwe osvetuka svetuka achirumbidza Mwari. 9Vanhu vose vakamuona achifamba achirumbidza Mwari 10vakamuziva kuti ndiye uya aigaririra rubatsiro paSuorakanaka reTemberi. Vakakatyamadzwa vakanana kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
Kuparidza kwaPita muTemberi
11Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa. 12Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu? 13Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho Mwari wamadzitateguru edu akarumbidza muranda wake Jesu wamakaturira mukamuramba panaPirato paakafunga zvokumusungunura. 14Asi imi makaramba mutsvene nomururami mukakumbira kuti mupiwe mhondi 15mukauraya muridzi weupenyu, iye akamutswa naMwari kuvafi. Isu tiri zvapupu zvaizvozvo. 16Munhu uyu wamunoona nokuziva asimbaradzwa pamusana pechitendero chake muzita raJesu. Izita raJesu nechitendero chinobva maari chamupa utano uzere sokuonawo kwamuri kuita mose.
17“Zvino hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita mukusaziva sezvakangoitawo vatongi venyu. 18Asi Mwari zvaakafanotaura nemiromo yavaporofita vose kuti Mesia wake anofanira kutambudzika. Izvi akazvizadzisa nenzira iyoyi. 19Nezvo pindukai mutendeuke kuti zvitadzo zvenyu zvipfudzwe kuti nguva iya yokumbofefeterwa nokuvapo kwaTenzi, 20uye kuti atumire Mesia wamakasarudzirwa, iye Jesu, 21anofanira kumbochengetedzwa kudenga kusvikira zvinhu zvose zvaitika zvakataurwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vakare. 22Mosesi akanyatsotaurawo achiti, ‘Tenzi Mwari achakumutsirai muporofita mukati mehama dzenyu sokumutsa kwaakandiita. Munofanira kumuteerera muna zvose zvaanokutaurirai. 23Ani naani asingateereri muporofita iyeyo achaparadzwa achibviswa mukati mavanhu. 24Vaporofita vose vakataura kubvira kuna Samueri navamwe vakazotevera vakaparidza nezvamazuva iwaya. 25Ndimi vana vavaporofita vacho vanorehwa uye vechitenderano chaakaitwa naMwari namadzibaba enyu achiti kuna Abhurahamu, nokumwana wako mhuri dzose dzapasi pose dzichakomborerwa.’ 26Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa 3: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: