Vakorose 2
2
1Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. 2Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. 3Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika. 4Ndinodaro kuti pasave nomunhu anokunyengedzai namashoko anotapira 5nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu.
II: KUYAMBIRA VAKOROSE ZVIDZIDZO ZVENHEMA
Garai upenyu hwechitendero chenyu muna Kristu
6Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, 7mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda.
8Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. 9Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. 10Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru. 11Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. 12Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. 13Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. 14Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. 15Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri.#2:15 Pachiri: ChiGiriki chacho chinogonawo kureva kuti maari Kristu.
Musapiwe mhosva pasina mhosva
16Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. 17Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. 18Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi 19nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari.
Kufa kwedu nokumuka kwedu naKristu
20Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, 21“Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” 22Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. 23Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina#2:23 Asi zvisina: Pandima iyi vamwe vanoti asi hazvina nebasa rose kusiya chete kugutsa zvazvo havi dzomuviri. chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake.
Zvasarudzwa nguva ino
Vakorose 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: