Isaya 17
17
Kuranga kuchaita Mwari Siria neIsiraeri
1Shoko rakanangana neDhamasikusi
chinzwai munzwe,
“Dhamasikusi, zvokuva guta izvi zvichariperera
richava murwi wematongo.
2Maguta aAroeri#17:2 Aroeri: ChiGiriki chinoti narini wose. achagara
asisina munhu
achatenge zvawo ava ezvipfuwo
zvicharara zvazvo pasi,
pasisina anozvivhundutsira.
3Guta retsvingo richaparara kwaEfuremu
kuDhamasikusi umambo huchabviswa
chitsama chichasara cheveSiria
chichaita zvakaitika kumukurumbira
wevanhu vokwaIsiraeri,”
ndizvo zviri kurehwa
naTenzi wehondo nehondo.
4“Pazuva iroro mukurumbira wokwaJakobho
uchanyatsoti pasi mbombombo.
Kukora ikoko kuchapera.
5Zvichaita somunda wakohwiwa hura dzimire,
wakohwiwa hura idzodzo namaoko,
somunhu anofuhwa hura idzodzo
mubani reRefaimu.
6Hongu zvokufuhwa zvichasarawo zvirimo
sezvinongoitawo muti womuorivhi
kana wagumwa.
Maorivhi maviri kana matatu
anosara pabazi rokumusorosoro,
michero mina kana mishanu
pamapazi omuti womuchero.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari weIsiraeri.
7Pazuva iroro vanhu vachave nehanya nomusiki wavo votarisa kune mururami weIsiraeri. 8Vanenge vasisina hanya neatari dzavakavaka namaoko avo vasisatarise kune zvinhu zvakaitwa neminwe yavo, zvingave maAshera kana atari dzorusenzi.
9Pazuva iroro maguta avo akasimba achaita samatongo avaHivhi naavaAmori avakatiza pamusana pavaIsiraeri, achava renje.
10Ndinodaro nokuti imi makakanganwa
Mwari ruponeso rwenyu
mukakanganwa dombo ramunopotera.
Naizvozvo kunyange mukadyara mbesa dzakanaka
kana kusima migirepisi yavamwari vokumwe
11kunyange mukadziitisa kuti dzikure
nezuva ramunodzidyara,
muchidziitisa kuti dzitumbuke
mangwanani ezuva ramunodzidyara
zvokudzikohwa zvichakunzvengai
ava mazuva enhamo
nokurwara kusingarapiki.
12Mai we-e, mutsindo wendudzi dzavanhu
vakawanda unotinhira
samaungira egungwa,
mai we-e kutinhira kwendudzi dzavanhu
vanoriridza sokutinhira kwemvura zhinji
13ndudzi dzavanhu dzinoriridza sokutinhira
kwemvura zhinji.
Vachadzitsiura dzigoti ware kutizira kure
sehundi inopupurutswa nemhepo mugomo
sechamupupuri chedutu remhepo
14kumanheru heyo hondo inotyisa,
mambakwedza hapasisina aripo
ndiwo mugove wavanotipamba
mugove wavanotitorera zvinhu zvedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 17: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: