Isaya 19
19
Mwari acharanga Ijipiti
1Shoko rakanangana neIjipiti.
Tarirai muone
“Tenzi agere pagore riri kumhanya chaizvo
achienda kuIjipiti,
zvifananidzo zvokunamata zveIjipiti
zvichadedera nokuvapo kwake,
vaIjipiti vachadumbirwa nazvo.
2Ndichaita kuti vaIjipiti vamukirane,
vacharwisana pachavo,
mumwe achirwisana nomumwe wake,
maguta achirwisana pachawo,
madzimambo achirwisanawo pachawo,
3VaIjipiti vacharasiswa mwoyo,
ndichavhiringidza mazano avo.
Ivo ndopavachaenda kundobvunzira
kuzvifananidzo zvokunamata,
nokuna vano un'anga hwokufembera namaminimini
vachindobvunzirawo kumidzimu nokun'anga.
4Iniwo ndopandicharamwira vaIjipiti ivavo,
mumaoko atenzi#19:4 Mumaoko atenzi: ChiHebheru chinoti madzitenzi. ano mwoyo wakaoma,
vatongwe namambo anotyisa
ndizvo zviri kutaurwa naTenzi
Tenzi wehondo nehondo.”
5Mvura yomuna Nairi ichapwiswa
rwizi ruchanyatsoti papata kuoma.
6Migero yayo ichava gutukutu kunhuwa,
tukova tunodira muna Nairi yeIjipiti
tuchaserera tugopwa,
tsanga nenhokwe dzichaora.
7Kuchaita madzvanga madzvanga muna Nairi
kumahombekombe aNairi,
zvose zvinodyarwa pedyo naNairi zvichaoma
zvigopeperetswa pasare pasisina.
8Varedzi vachaungudza vachichema,
vose zvavo vanokanda chirauro muna Nairi
vachanyatsoti gojoto,
ivavo vanokanda usvasvi mumvura.
9Vashandi vanokuruza rwodzi rweFurakisi,
vachaora mwoyo
pamwechete navanoruka machira nedonje jena.
10Varuki vamachira vachadumbirwa nazvo
vashandi varasa mwoyo.
11Machinda okuguta reZoani,
mazipenzi chaiwo evanhu,
ngwazi dzomakurukota aFarao
dzinopa mazano asina nomusoro wose.
Ndicho chii chamunotaura kuna Farao muchiti,
“Ini ndiri mwanakomana wengwazi,
mwanakomana wamadzimambo echinyakare?”
12Ko zvino ngwazi dzenyu dziripi?
Ngadzichikutauriraika, dzifanokuzivisai
zvarongwa kuitwa kuIjipiti
naTenzi wehondo nehondo.
13Machinda okuguta reZoani
ava mapenzi avanhu
uye machinda okuguta reMemufisi,
azofuririkana;
vakuru vakuru vomumadzinza eko
vateteretsa Ijipiti.
14Tenzi apinza mukati mayo
mweya wenyonganyonga
vakaita kuti Ijipiti idzedzereke
mune zvose zvazvo zvainoita
sokudzadzarika kunoita chidhakwa
mumarutsi acho.
15Hapana chichagona kuitwa muIjipiti nenhungamiri
nevokumuswe vacho
kana kuitwa nebazi romurara
kunyange norutsanga zvarwo.
VaIjipiti vachanamata Mwari
16Pazuva iroro vaIjipiti vachaita savakadzi chaivo vodedera kutya simba roruoko rwaTenzi wehondo nehondo runenge rwozunzwa pamusoro pavo. 17Nyika yokwaJudha ichava chazezesa kuvaIjipiti. Anongoinzwa chete ichidomwa achatya pamusana pedzavarongerwa naTenzi wehondo nehondo. 18Musi iwoyo munyika yeIjipiti muchava namaguta mashanu anotaura rurimi rweKanani vachitopika naTenzi wehondo nehondo. Rimwe rawo richanzi, “Gutarezuva.”
19Nomusi iwoyo kuchava neatari yaTenzi mukati menyika yeIjipiti nomusimboti waTenzi kumuganhu kwayo. 20Zvichange zviri chiratidzo chinopupurira Tenzi wehondo nehondo munyika yeIjipiti pavanochema kuna Tenzi pamusana pevanodzvinyirira vamwe iye anozovatumira mununuri achavadzivirira achivaponesa. 21Tenzi achazvizivisa kuvaIjipiti, vaIjipiti vachazivawo Tenzi pazuva iroro vagomupfugamira nokupira kwaari zvibayiro nomupiro wokupisa. Vachapika mhiko kuna Tenzi vachidzichengeta. 22Tenzi acharova Ijipiti nedenda, airova kudaro, achazoiporesa, ivo vachazotendeukira kuna Tenzi, iye achazonzwa zvichemo zvavo agovarapa.
23Nezuva iroro kuchava nomugwagwa mukuru unobva kuIjipiti uchienda kuAsiria. VaAsiria vachauya muIjipiti, vokuIjipiti vachiendawo kuAsiria uye vaIjipiti vachanamata pamwechete nevaAsiria.
24Pamusi iwoyo Isiraeri ichava yechitatu kunyika yeIjipiti neAsiria dzichange dzava chikomborero chaicho pakati penyika, 25Tenzi wehondo nehondo, dzaachakomborera achiti, “Makakomborerwa zvenyu imi vanhu vangu vaIjipiti, nemi vaAsiria vandakasika namaoko angu, nemi vaIsiraeri nhaka yangu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 19: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: