Jeremiya 25
25
D: BHABHIRONI, SHAMHU YATENZI
1Shoko iri rakauya kuna Jeremiya rakananga kuvanhu vokwaJudha vose zvavo, muri mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha. (Iroro ndiro gore raiva rechiposhi rokutonga kwaNebhukadhireza mambo weBhabhironi.) 2Muporofita Jeremiya akataura kuvanhu vose vokwaJudha nokuvagari vose veJerusaremu shoko irori rokuti, 3“Kwamakore makumi maviri namatatu, kubvira pagore regumi nechitatu rokutonga kwaJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha kusvikira pari nhasi, shoko raTenzi ranga richingouya kwandiri ini ndichirambawo ndichikutaurirai, asi imi hamuna kuteerera. 4Makaramba kuteerera kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, kunyange Tenzi akaramba achingokutumirai varanda vake vaporofita 5achiti, ‘Chitodzokai izvozvi munhu wose asiyane nenzira yake yakaipa netwakaipa twaanobata mugogara munyika iyi yamakapiwa imi namadzibaba enyu kubvira kare kare nokusingaperi. 6Regai kutevera vamwe vamwari kundovashandira kana kuvanamata kana kundishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu. Kana madaro iniwo handizokukuvadzai.’ 7Asi hamuna imi kunditeerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi, kuti imimi mungadaro mukandishatirisa nebasa ramunoita namaoko enyu zvikazokukuvadzai.
8“Ndokusaka zvanzi naTenzi wehondo nehondo, zvamakarega kuteerera mashoko angu, chinzwai, 9‘Iniwo ndava kukoka vemadzinza ose okuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndichikoka Nebhukadhireza mambo weBhabhironi, muranda wangu ndigovaunza kuzorwisa nyika iyoyi navagari vayo kuzorwisawo marudzi ose akaitenderera. Ndichavaparadza zvachose ndichivaita kuti vave chinhu chinokatyamadza, nechinhu chinoridzirwa tsamwa nechinhu chokutukisa nacho. 10Uyewo ndichagumisa mukati mavo chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho kana kurira kwemakuyo nemwenje werambi.’
11“Nyika ino yose ichava dongo zvaro risina kana chinhu; marudzi ose iwaya achashandira mambo weBhabhironi kwamakumi manomwe amakore. 12Mushure mokunge kwapera makore makumi manomwe ndichazoranga mambo weBhabhironi nevechirudzi ivavo nenyika yevaKaridhea pamusana pouipi hwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nyika yacho ndichiiparadza zvachose. 13Ndichaita kuti nyika iyoyo iwirwe nezvose zvakabva pamuromo pangu zvichinangana nayo, zvose zvakanyorwa mubhuku rino zvakaporofitwa naJeremiya zvichinangana namarudzi evanhu ose zvawo.
14“Zvichavapo ndezvokuti ndudzi zhinji namadzimambo makuru chaiwo achatovaita varanda kunyange ivo. Ini ndichavapa zvinofambirana nezviito zvavo uye namabasa avanoita namaoko avo.”
II: ZVAKAONESWA ZVINONANGANA NAMARUDZI
MASHOKO OKUSUMA
Chiratidzo chomukombe
15Nechikonzero ichochi Tenzi Mwari weIsiraeri akanditi, “Tambira mukombe uyu uri muruoko rwangu wewaini yehasha dzangu, ugoita kuti marudzi ose kwandinenge ndakutuma aunwe. 16Vachaunwa vagodhadharika vagopengeswa nebakatwa randichatumira pakati pavo.”
17Saizvozvowo ini ndakatora mukombe waiva muruoko rwaTenzi ndikaita kuti marudzi ose kwandakatumwa naTenzi aunwe, 18kuJerusaremu namaguta okwaJudha, uye namadzimambo ayo namachinda acho kuti ave matongo asina kana chinhu, ave chinhu chinoridzirwa tsamwa charengererwa rushambwa sezvazviri pari nhasi 19kwouya Farao mambo weIjipiti namakurukota ake namachinda ake navanhu vake vose 20pamwechete namabvakure ose ari pakati pavo, madzimambo ose enyika yeUzi uye namadzimambo enyika yavaFirisitia ose zvawo (Ashikeroni neGaza neEkironi nechitsama chakasara chevokuAshidhodhi) 21kwouyawo Edhomu neMoabhu navanakomana vokwaAmoni 22namadzimambo ose eTire uye madzimambo ose eSidhoni namadzimambo okumahombekombe kumhiri kwegungwa,#25:22 Kwegungwa: Igungwa reMedhiterenieni. 23kwoti Dhedhani neTema neBhuzi navose vanoveura makona evhudzi ravo 24namadzimambo ose eArabhia namadzimambo ose avanhu vakasangana-sangana vagere kurenje 25uye madzimambo ose okwaZimuri namadzimambo ose okuEramu namadzimambo ose okuMidhia 26kozoti madzimambo ose okuchamhembe okure neepedyo mumwe nemumwe uyewo umambo hwose zvahwo hwapanyika pasi pose zvapo. Mushure mavo mambo Sheshaki#25:26 Sheshaki: Anomirira guta reBhabhironi. achazonwawo.
27Wozobva wovataurira kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, “Inwai muraradze mugorutsa muputsike musingazomukazve pamusana pebakatwa randava kutuma pakati penyu.
28“Kana vakaramba kugamuchira mukombe iwoyo muruoko rwako kuti vaunwe, vaudze kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Munofanira kutonwa chete! 29Nokuti chionai, ndava kutotangisa kumutsira nhamo guta rinodaidzwa nezita rangu. Zvino imi ndipo pamungarege kurangwa here? Zvokurangwa hamumborega kurangwa nokuti ndiri kudaidzira bakatwa pavagari vose zvavo vepasi pano ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.’
30“Naizvozvo iwe unofanira kuvaporofitira uchivaudza mashoko aya ose uchivati:
“Tenzi achadzvova mudenga umu,
inzwi rake richibuda
muNzvimbo yake Inoera.
Achadzvovera vedanga rake zvinotyisa
achidaidzira sezvinoitwa navanokanya magirepisi
achinangana navagari vapanyika.
31Ruzha rwacho ruchariridza
kusvikira kwakaperera nyika
Nokuti Tenzi ane mhosva yaari kupa marudzi,
ari kuzogadza dare vanhu vose,
vakaipa achivauraya nebakatwa.
Ndozviri kutaura Tenzi.”
32Zvanzi naTenzi wehondo nehondo
chionai, nhamo ichauira;
ndudzi nendudzi dzavanhu,
dutu guru remhepo riri kutangisa kuuya
richibva kumiganhu yapasi.
33Pazuva iroro vanenge vaurayiwa naTenzi vachati rakata kubvira kwainovambira nyika kusvikira kwainopererawo. Havachazochemwa kana kuunganidzwa kana kuvigwa. Vachava ndove zvayo pamusoro pevhu.
34Ungudzai imi vafudzi mucheme
muumburuke mudota,
imi madzichangamire amatanga
nokuti mazuva okuurayiwa
nokupararira kwenyu asvika,
uye imi muchati mwarara somudziyo#25:34 Somudziyo: Vamwe vanoti sehondohwe. wakanakisa.
35Pachasara pasina nzvimbo yokupotera yavafudzi
kana yokupukunyukira yamadzichangamire amatanga.
36Inzwa unzwe, kuchema kuri kuita vafudzi
nokuungudza kuri kuita madzichangamire amatanga,
nokuti Tenzi oparadza mafuro avo,
37nezvo matanga akanyatsozvigarira zvawo
anobva aparadzwa
nokuda kwehasha dzinotyisa dzaTenzi.
38Asimuka seshumba
yabva painohwanda
nokuti nyika yavo haisisina chinhu
pamusana pebakatwa romudzvinyiriri
napamusanawo pehasha dzaTenzi dzinotyisa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 25: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: