Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 27

27
B: SHOKO ROKUVANHU VAKATAPWA VAKAENDWA NAVO
Joko rechiratidzo neshoko rokumadzimambo okumadokero
1Pakutanga kutonga kwakaita Zedhekia mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, kwakauya shoko iri kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi. 2Tenzi akanditi, “Zvigadzirire joko nezvitorobho zvaro uzvibope naro pamutsipa pako 3utumire shoko kuna mambo weEdhomu namambo weMoabhu namambo wavanakomana vokwaAmoni namambo wokuTire namambo wokuSidhoni uritumire nenhume dzakauya kuJerusaremu kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha.” 4Uvati vatakurire vakuru vavo shoko iri rokuti: “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri 5zvino mochindozivisa vakuru venyu shoko iri rokuti, ‘Inini namasimba angu makuru nesimba roruoko rwangu ndini ndakasika nyika pamwechete navanhu nemhuka zviri panyika. Ndinozvipa kunaani zvake wandinenge ndaona kuti zvakakodzera kumupa. 6Pari zvino nyika dzose idzodzi ndadziisa mumaoko maNebhukadhineza, mambo weBhabhironi, muranda wangu. Ndakamupawo zvikara zvesango kuti zvimushandire. 7Marudzi ose avanhu achamushandira iye nomwanakomana wake nomuzukuru wake mukomana kusvikirawo jana renyika yakewo rasvika rokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru chaiwo vazomuitawo muranda wavo.’
8“Asi kuwana rudzi kana nyika zvayo yazoramba kushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi uyu, ruchirega kurerekera mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, ndicharanga rudzi irworwo nebakatwa neshangwa yenzara nedenda kusvikira ndarutsakatisa nesimba roruoko rwake. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. 9Saka imi chiregai kuteerera vaporofita venyu kana vashoperi venyu kunyange varoti venyu kana vafemberi venyu vemaminimini kana vanhu venyu vakaromba mushonga vari kukutii, hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi. 10Chiripo chaicho ndechokuti inhema chaidzo dzavari kukuporofitirai zvichakusvitsai pakubviswa muchiendeswa kure nenyika yenyu izvozvo ini ndichakudzingai muno mugoparara. 11Asi rudzi rupi norupi runenge rwaunza mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi rukamushandira ndicharusiya ruri munyika yarwo ruchirima rugeremo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
12Ndakataurawo zvimwechetezvo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha ndichiti, “Rerekerai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi mumushandire iye navanhu vake mugorarama. 13Ko imi navanhu venyu chii chaizvo chamungafire nebakatwa neshangwa nenzara nedenda sezvataura Tenzi pamusoro perudzi rupi norupi runenge rwaramba kushandira mambo weBhabhironi? 14Regai kuteerera zvinotaura vaporofita ivavo vari kukutii: ‘Hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi, nokuti vari kukuporofitirai nhema.’ 15Zvanzi naTenzi ini handina kuvatuma, asi vari kuporofita zvenhema muzita rangu, zvichakonzera kuti ndikudzingei muchibva matsakatika imi pamwechete navaporofita vari kukuporofitirai vacho.”
16Ndakazotaurira vapristi navanhu vose ivava ndichiti: “Zvanzi naTenzi, musateerere zvinorehwa navaporofita venyu vari kukuporofitirai vachiti, ‘Chiregai muone zvenyu, midziyo yemba yaTenzi yava kutodzorerwa kuno izvozvi ichibva kuBhabhironi’ nokuti vari kukuporofitirai zvenhema. 17Regai kuvateerera! Shandirai mambo weBhabhironi murarame. Chii chaizvo chingaitirwe kuti guta rino rive dongo? 18Kana vari vaporofitawo uye kana vane shoko raTenzi, regaika vateterere kuna Tenzi wehondo nehondo kuti midziyo yasara mumba yaTenzi nomumba yamambo wokwaJudha nomuJerusaremu irege kuenda kuBhabhironi” 19nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo nezvemisimboti nezibhavhu riya nezvigadzikiro zvaro nemimwe midziyo yose yakasara muguta rino, 20zvisina kutorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi paakatapa muJerusaremu Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu mambo wokwaJudha navose vokumbahuru yokwaJudha neveJerusaremu achivaendesa kuBhabhironi, 21zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri nezvemidziyo yakasara mumba yaTenzi nomumuzinda wamambo wokwaJudha nomuJerusaremu: 22“Ichatakurwa igoendwa nayo kuBhabhironi igareko kusvikira musi wandichazofunga zvokuita nayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndipo pandichaiunzazve kuno ndichiidzosera munzvimbo ino.”

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremiya 27: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda