Jeremiya 28
28
Hananiya anokakavadzana naJeremiya.
(Mugore ra 593 K.A.A.)#28:1 Zvinoreva kuti Kristu asati auya.
1Mugore rakarero, mukutanga kutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha mumwedzi wechishanu wegore rechina, Hananiya mwanakomana wokwaAzuru, muporofita wokuguta reGibheoni akataura kwandiri mumba yaTenzi, vapristi navanhu vose varipowo achiti: 2“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri ndatyora joko ramambo weBhabhironi. 3Mumakore maviri ndichadzosera munzvimbo muno midziyo yose yemba yaTenzi yakatorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi munzvimbo muno achiiendesa kuBhabhironi. 4Ndichadzoserawo kunzvimbo ino Jekoniya mwanakomana waJehoyakimu, mambo wokwaJudha navakatapwa vose vokwaJudha vakaenda kuBhabhironi ndizvo zvinotaura Tenzi. Ndinodaro nokuti ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.”
5Muporofita Jeremiya akabva ataura kumuporofita Hananiya, vapristi varipo navanhu vose vakanga vamire muTemberi yaTenzi. 6Muporofita Jeremiya akati, “Ameni Tenzi ngaaite saizvozvo, Tenzi ngaaite kuti shoko ravaporofita riitike pachokwadi adzoserewo kunzvimbo ino midziyo iya yemba yaTenzi navakatapwa vose achivatora kuBhabhironi. 7Asi chinzwa zvino shoko iri randinokutaurira iwe uchizvinzwira vanhu vose zvavo vachinzwawo. 8Vaporofita vakatitangira ini newe kubvira karekare, vakaporofita nezvehondo neshangwa yenzara nedenda zvaizowira nyika zhinji noumambo hune simba. 9Kwaiti kana muporofita akaporofita nezvorugare, shoko romuporofita iyeyo rikazoitika, ndopaizozikanwa kuti zvechokwadi Tenzi ndiye akatuma muporofita iyeyo.”
10Ipapo muporofita Hananiya akakumura joko mumutsipa momuporofita Jeremiya akarityora. 11Hananiya ndokutaura vanhu vose vachinzwa achiti, “Zvanzi naTenzi, ndichatyorawo saizvozvi joko raNebhukadhineza mambo weBhabhironi ndichiribvisa mumutsipa wamarudzi ose avanhu mumakore maviri.” Asi muporofita Jeremiya akabva aenda hake.
12Garegare, mushure mokunge muporofita Hananiya atyora joko mumutsipa womuporofita Jeremiya, izwi raTenzi rakauya kuna Jeremiya rikati, 13“Enda undoudza Hananiya kuti zvanzi naTenzi, wakatyoraka iwe joko rechimuti asi uchatogadzira#28:13 Uchatogadzira: Bhaibhiri rechiGiriki rinoti...ndichatogadzira... joko resimbi rokuritsiva naro 14nokuti zvanzi Tenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ndaisa pamutsipa yamarudzi ose avanhu joko resimbi, rouranda hwokushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi. Vanofanira kumushandira nokuti ndatomupa kunyange nezvikara zvesango.”
15Muporofita Jeremiya ndokuti kumuporofita Hananiya, “Chinzwa Hananiya! Tenzi haana kumbokutuma iwe! Asi uri kuita kuti vanhu ava vavimbe namanyepo. 16Naizvozvo zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa, ndava kukupfuudza pamusoro payo nyika.’ Iro gore rino chairo uchafa nokuti wakaburitsa mazwi okupandukira Tenzi.” 17Mugore rakarero, mumwedzi wechinomwe, muporofita Hananiya akabvawo afa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 28: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: