Joshuwa 6
6
Kukundwa kweJeriko
1Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo. 2Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba. 3Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. 4Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. 5Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.”
6Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” 7Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.” 8Joshuwa paakaudza vanhu izvozvo, vapristi vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe dziya pana Tenzi vakatungamira vachiridza hwamanda idzodzo vachiteverwa nebhokisi raTenzi rechitenderano. 9Varume vakanga vakapakata zvombo vakaenda pamberi pavapristi vairidza hwamanda, shure kwebhokisi rechitenderano kwaiteverawo vamwe vokuchengetedzako iyo hwamanda ichingodandaura chete. 10Asi Joshuwa akayambira vanhu achiti, “Musambozhamba zvenyu kana kuwana mumwe wenyu anoti chwe kana kuti zvako muromo bufu kusvikira musi wandichakutii zhambai. Ndopamuchazhamba ipapo.”
11Saka aiti bhokisi raTenzi ritenderere guta iroro kamwechete vachidzokera zvavo kumatendhe kundorara pamatendhe. 12Joshuwa aifumomuka rungwanani, vapristi votakura bhokisi raTenzi rechitenderano, 13vapristi vanomwe vaya vehwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe, vaienda mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano, vachingoridza chete hwamanda. Varume vainge vakapakata zvombo zvehondo vaifamba vari mberi kwavo, shurewo kwebhokisi raTenzi rechitenderano kuchitevera vokuchengetedza shure, iyo ngondo yehwamanda ichingodandaura chete. 14Nezuva rechipiri vakafamba vachitenderera guta iroro kamwechete, vakadzokera kumatendhe. Ndozvavakaita kwamazuva matanhatu.
15Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. 16Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu. 17Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma. 18Asi siyanai zvenyu nezvinhu zvaturirwa kuparadzirwa Mwari imi mambozviturira kuparadzirwa Mwari mungadaro mukatora chinhu chipi nechipi chakadai, gungano ravaIsiraeri rikavawo chinhu chakaturirwa kuparadzirwa Mwari, mutiunzire nhamo. 19Asi sirivha yose yomo nendarama, nemidziyo yendarira neyesimbi zvava zvinhu zvinoera zvaTenzi, ngazviiswe munochengeterwa upfumi hwaTenzi.”
20Saka vanhu vakazhambarara, iyo hwamanda yichiridzwa. Vanhu pavakangonzwa kurira kwehwamanda vakazhambarara zvikuru, rusvingo rukakoromokera pasi rukati warara, vanhu vose vakati karakata kupinda muguta nepakanangana naye, vakabva vakurira guta irori. 21Vakaparadza zvose zvomuguta iroro nebakatwa, zvose zvazvo varume navakadzi, vakuru navaduku, nemombe nehwai namadhongi.
22Joshuwa akati kuvarume vaviri vaya vaakatuma kundosora nyika, “Endai mumba mepfambi iya muburitse mukadzi iyeyo navose vokwake, sokutsidza kwamakaita kwaari.” 23Saka majaya akambouya kuzosora aya akapindamo akaburitsa Rahabhu nababa vake naamai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake nehama dzake dzose, akavapa pokugara kunze kwamatendhe avaIsiraeri. 24Vakaroromesa guta iroro nomoto nazvose zvaivamo. Asi sirivha nendarama nemidziyo yendarira neyesimbi, vakazviisa munochengeterwa upfumi hwemba yaTenzi. 25Joshuwa akararamisa Rahabhu, pfambi iya, nevemhuri yababa wake navose vokwake, nanhasi uno mukadzi iyeyu agere mukati mavaIsiraeri nokuti akahwandisa nhume dzakanga dzatumwa naJoshuwa kundosora Jeriko. 26Panguva iyoyo Joshuwa akayambira vanhu achiti:
“Munhu achasimuka zvake ovaka guta iri reJeriko,
Tenzi ngaamuone.
Kuchera kwake ugaro hwaro,
kutange norufu rwomwanakomana wake wedangwe.
Kumiswa kwemisuo yaro kupere nokufa,
kunyangwe kwomwanakomana wake wegotwe.”
27Saka Tenzi akava naJoshuwa, mukurumbira wake ukapararira nenyika yose.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.