Mariko 12
12
Muenzaniso wavarimi mumunda wamagirepisi
(Mat 21:33–46; Ruka 20:9–19)
1Zvino akatanga kutaura kwavari nemienzaniso achiti, “Mumwe munhu akasima munda wake wamagirepisi, ndokuukomberedza noruzhowa. Akacherawo gomba rokusvinira waini, nokuvaka nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. 2Panguva yomuchero akatuma muranda wake kuvarimi vaya kundopiwa chikamu chomuchero womunda wamagirepisi. 3Ivo vakamubata ndokumurova vakamudzosa asina chinhu. 4Akatumazve mumwe muranda kwavari. Iyeyu vakamutema mbonje vakamunyadzisa. 5Akazotumazve mumwe muranda; uyu vakamuuraya. Akatumazve vamwe vazhinji, vamwe vacho vaivarova, vamwe vachivauraya. 6Asi akanga achino mumwechete, mwanakomana wake wapamwoyo. Pokupedzisira akamutuma kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ ” 7Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, “Uyu ndiyeka mugari wenhaka uyu, uyai timuuraye, nhaka igova yedu.” 8Vakamubata, vakamuuraya, ndokumukanda kunze kwomunda wamagirepisi.
9Ko zvino muridzi womunda wamagirepisi achaitei? Achauya agoparadza vokushandisa munda vaya ava nokupa munda uyu wamagirepisi kuna vamwe. 10Hamuna kumboverenga here Rugwaro Dzvene paya panoti,
“Dombo rakarambwa navavaki iroro
ndiro rakazova dombo rakakoshesesa rapakona yemba?
11Izvi zvakaitwa naTenzi,
uye zvinotishamisa kwazvo kuzviona?”
12Vakazviona kuti ataura muenzaniso uyu akananga ivo; nezvo vakaedza kuti vamusunge asi vakatya vanhu. Naizvozvo vakamusiya voenda.
Kutera mutero kuna Siza
(Mat 22:15–22; Ruka 20:20–26)
13Vakazotuma kwaari vamwe vavaFarisei navamwe vebato rokwaHerodhi kuti vamubate mukutaura kwake. 14Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?” 15Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.” 16Ivo ndokuriunza. Iye akavabvunza achiti, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Ivo vakati kwaari, “NdezvaSiza.” 17Jesu akavati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, zvaMwari kuna Mwari.” Vakashamiswa naye zvikuru.
Kumuka kwavakafa
(Mat 22:23–33; Ruka 20:27–40)
18Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; 19“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. 20Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. 21Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. 22Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. 23Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?”
24Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? 25Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. 26Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ 27Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.”
Murairo mukuru
(Mat 22:34–40; Ruka 10:25–28)
28Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi–poshi pane mitemo yose ndoupi?” 29Jesu akapindura achiti, “Mutemo wechiposhi–poshi ndouyu unoti;
“ ‘Chinzwa Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiye Tenzi
mumwe chete oga.
30Uye ida Tenzi Mwari wako
nomwoyo wako wose,
nomweya wako wose,
nepfungwa dzako dzose,
nesimba rako rose.’
31“Wechipiri ndouyu,
“ ‘Ida mumwe wako
sokuda kwaunozviita iwe pachako.’
Hakuna mutemo mukuru pana iyoyi.”
32Zvino nyanzvi yoMutemo iya yakamuti, “Ndizvozvo chaizvo, Mudzidzisi, mataura sezvazviri kuti kuna Mwari mumwe chete, kunze kwake hakuna mumwezve. 33Kwouya kuti kumuda nomwoyo wose, nepfungwa dzose, nesimba rose, nokuda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, zvinokunda zvibayiro zvose zvechinhu chinopiswa chose zvacho nemipiro.”
34Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo.
Ko Kristu Mwanakomana waDhavhidhi here?
(Mat 22:41–46; Ruka 20:41–44)
35Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’ 36Iye Dhavhidhi pachake, afemerwa naMweya Mutsvene, akati,
“ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu,
gara kurudyi rwangu
kusvikira ndaisa vavengi vako
pasi petsoka dzako.’
37“Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera.
Jesu anoshora zvinoitwa nenyanzvi dzoMutemo
(Mat 23:1–36; Ruka 20:45–47)
38Mukudzidzisa kwake Jesu akati, “Ngwarirai nyanzvi dzoMutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu nokukwaziswa navanhu pamisika. 39Vanodawo zvigaro zvakanaka mumasinagogu nezvigaro zvavakuru–vakuru pamabiko. 40Vanodya twemba dzechirikadzi, uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesesa.”
Chipo chechirikadzi
(Ruka 21:1–4)
41Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. 42Pakazosvikawo imwe chirikadzi, murombo, yakakandawo tumari tuduku tuviri twekopa twaisvitsa sendi. 43Jesu akadaidza vadzidzi vake ndokuti kwavari, “Zviro kwazvo ndinokuudzai kuti chirikadzi iyi murombo, yaisa, munochengeterwa upfumi hweTemberi zvinopfuura zvakandwa navamwe vose, 44nokuti ivo vose vaisa zvabva mune zvakawanda zvavanazvo. Asi iyo nourombo hwayo yaisa zvose zvinoiraramisa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.