Vafiripi 4
4
Kugara zvakanaka somukristu
1Naizvozvo hama dzangu dzandinoda dzandinosuwa, ndimi rufaro rwangu nechidadiso changu. Rambai makasimba muna Tenzi saizvozvo, hama dzangu dzapamwoyo.
2Ndinokukumbirisai imi vaYuodia navaSindike kuti munzwanane muna Tenzi. 3Hongu ndinokumbirawo, iwe mumwe wangu#4:3 Mumwe wangu: Vamwe vanoti izita romunhu rokuti Suzugozi. akatendeka kuti ubatsire madzimai aya nokuti vakashanda pamwechete neni mubasa reShoko Rakanaka pamwechetewo naKeremendi navamwe vose vandaishanda navo vana mazita ari mubhuku roupenyu.
4Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. 5Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. 6Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. 7Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu.
8Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. 9Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi.
Ndinotenda nechipo chenyu
10Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. 11Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. 12Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. 13Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa.
14Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu. 15Imi vanhu veFiripi, sokuziva kwenyu, imi pachenyu, kuti pakutangisa kweShoko Rakanaka, pandakabva kuMasedhonia, hakuna rimwe sangano rakabatana neni ndichiita kandiro enda kandiro dzoka navo kusiya imi moga. 16Kunyange kuTesaronika makanditumira rubatsiro kaviri kose. 17Hakusi kuti kungoda zvipo asi kuti ndinoda muchero unowedzerwa kwamuri. 18Makandiripa zvizere uye zvakapfuurikidza. Ndava nezvose pandadai kugamuchira kuna Epafurodhitusi zvipo zvamakanditumira, mupiro chaiwo, chibayiro chinogamuchirika chinofadza Mwari. 19Mwari wangu achakupai zvose zvamunenge musina maererano noupfumi hwake husingatauriki muna Kristu Jesu. 20Mwari wedu naBaba ngavarumbidzwe narini narini. Ameni.
Kuonekana
21Ndikwazisirei vatendi vose muna Kristu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai. 22Vatendi vose vanokukwazisai asi zvikuru vemba yaSiza. 23Jesu Kristu ngaakuitirei mose nyasha.
Zvasarudzwa nguva ino
Vafiripi 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: