Nziyo 137
137
Kuchema kwavaIsiraeri muutapwa hwavo
1Pedyo nehova dzeBhabhironi
taigarapo tichichema
patainge tafunga Zioni.
2Taipaikira zvipendani zvedu
pamisambagwena ikoko.
3Ipapo vatapi vedu
vaitikumbira dzimbo,
varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti,
“Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.”
4Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI
munyika yavatorwa.
5Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu
ruoko rwangu rworudyi ngaruune.#137:5Ngaruune: Kana kuti ngaakanganwe mano arwo okuridza madimbwa nezvipendani nezvimwe zvakadaro (Nziyo 81:2; 150:3–5.)
6Rurimi rwangu ngarubve rwanamira#137:6 Nditadze kuimba.
kumusoro kwomukanwa mangu,
kana ndikarega kukurangarira
kana ndikarega kutora
Jerusaremu somufaro wangu mukurusa.
7Yeukai TENZI nezvevekwaEdhomu
pazuva reJerusaremu
pavaiti ngarikoromorwe, ngarikoromorwe,
rikoromorwe kusvika paugaro hwarwo.
8Iwe Bhabhironi muparadzi#137:8 Vamwe vanoti muparadzwi vamwe vachiti chikara.
akakomborerwa zvake
anotsividza zvawakatiitira.
9Akakomborerwa anotora pwere dzako
achidzipwanyira padombo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 137: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.