Nziyo 82
82
Rwiyo rwaAsafu.
Mwari ndiye Mutongi mukuru
1Mwari agara pachigaro chake chokutonga,
mudare rake,
achitonga pakati pavamwari.
2“Muchatonga zvisina ruenzaniso
kusvikira rinhiko
muchirerekera kuvakaipa?”
Dzepfunde
3“Miririrai varombo nenherera,
itai zvine ruenzaniso
kunavatamburi navasina chavanacho.
4Nunurai varombo navasina chokubata
vanunurei mumaoko mavakaipa.
5“Havana ruzivo kana runzwisiso,
vanofamba murima
ugaro hwose hwenyika huri kuzunguzika.
6Ndinokutii zvangu vamwari
vana voWokumusorosoro, mose zvenyu
7asi muchangofa savanhu
muchaputsikawo sezvinongoita
mumwe wamachinda.”
8Simukai Mwari mutonge nyika
ndimi muridzi wamarudzi ose.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 82: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Nziyo 82
82
Rwiyo rwaAsafu.
Mwari ndiye Mutongi mukuru
1Mwari agara pachigaro chake chokutonga,
mudare rake,
achitonga pakati pavamwari.
2“Muchatonga zvisina ruenzaniso
kusvikira rinhiko
muchirerekera kuvakaipa?”
Dzepfunde
3“Miririrai varombo nenherera,
itai zvine ruenzaniso
kunavatamburi navasina chavanacho.
4Nunurai varombo navasina chokubata
vanunurei mumaoko mavakaipa.
5“Havana ruzivo kana runzwisiso,
vanofamba murima
ugaro hwose hwenyika huri kuzunguzika.
6Ndinokutii zvangu vamwari
vana voWokumusorosoro, mose zvenyu
7asi muchangofa savanhu
muchaputsikawo sezvinongoita
mumwe wamachinda.”
8Simukai Mwari mutonge nyika
ndimi muridzi wamarudzi ose.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.