Varoma 13
13
Kuteerera hurumende
1Munhu wose ngaave pasi pehurumende inenge ichitonga nokuti hapana simba rokutonga risingabvi kuna Mwari. Vari kutonga vakatoiswapo naMwari. 2Saizvozvo munhu anoramba kuteerera vatongi, anoramba kuteerera vakagadzwa naMwari. Vanorambawo kuteerera vacharangwa. 3Vatongi havasi chinhu chinotyisa kuna vanoita zvakanaka asi kuna vanoita zvakaipa. Unoda here kurega kutya vane simba rokutonga? Kana zvakadaro ramba uchiita zvakanaka. Iye achati kwauri zvakanaka, 4nokuti iye muranda waMwari kuti zvikufambire zvakanaka. Asi ukaita zvakaipa unofanira kutya nokuti haabatire bakatwa pasina. Iye muranda waMwari wokurangira Mwari munhu anoita zvakaipa. 5Naizvozvo kuzviisa pasi kuya kunofanira kuitwa kwete kunzvenga chete kuranga kwaMwari asi nokuda kokuterera hana yako. 6Munoripa mutero nechikonzero chimwechetecho nokuti vatongi vashandi vaMwari vanoita basa irori. 7Varipei vose zvavanokodzera kuripwa. Kana uri mutero wapamunhu nomunhu ripai mutero iwoyo kana uri mutero wapazvinhu ripaiwo zvinofanira kuripwa muchikudza vanofanira kukudzwa nokuremekedza vanofanira kuremekedzwa.
Rudo navamwe
8Usave nechikwereti nomunhu kusiya chokudanana nokuti munhu anoda mumwe wake azadzisa mutemo. 9Mitemo inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usachive nemimwe mitemo yose inobatanidzwa yose mushoko iri rinoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” 10Munhu worudo haatadziri mumwe wake. Naizvozvo rudo ndirwo runozadzisa mutemo.
Vana vechiedza
11Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira. 12Usiku hwaendedzana, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza rokuzvidzivirira naro muhondo. 13Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. 14Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo.
Zvasarudzwa nguva ino
Varoma 13: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: