Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 11

11
Davi raJese
1Bukira richabva kudzinde raJese;
Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero.
2Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake,
mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba,
mweya wokuziva newokutya Jehovha,
3uye achafarira kutya Jehovha.
Haazotongi nezvaanoona nameso ake,
kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake,
4asi nokururama achatongera varombo,
nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika.
Acharova nyika neshamhu yomuromo wake;
nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.
5Kururuma ndiro richava bhanhire rake
uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake.
6Bere richagara negwayana,
ingwe ichavata pasi nembudzi,
mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete;
uye mwana mudiki achazvitungamirira.
7Mhou ichafura nebere,
vana vazvo vachavata pasi pamwe chete,
uye shumba ichadya uswa senzombe.
8Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure,
uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka.
9Hazvingazokuvadzi kana kuparadza
pagomo rangu rose dzvene,
nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha
semvura zhinji inofukidza gungwa.
10Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya. 11Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa.
12Achasimudzira marudzi mureza
uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri;
achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha,
kubva kumativi mana enyika.
13Godo raEfuremu richapera
uye vavengi vavaJudha vachagurwa;
Efuremu haachazovi negodo naJudha,
naJudha haangaitire Efuremu hasha.
14Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva;
pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva.
Vachatora Edomu neMoabhu,
uye vaAmoni vachava varanda vavo.
15Jehovha achaomesa chose
chikamu chegungwa reIjipiti;
nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake
pamusoro peRwizi rweYufuratesi.
Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe,
kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.
16Pachava nomugwagwa mukuru wavanhu vake vakasara,
vakasiyiwa kubva kuAsiria,
sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri
pavakabva kuIjipiti.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 11: BDSC

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda