1 VaKorinde 11:23-24
1 VaKorinde 11:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
1 VaKorinde 11:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
1 VaKorinde 11:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo.
1 VaKorinde 11:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nokuti zvandakagamuchira zvichibva kuna Tenzi Jesu ndizvo zvandakakugamuchidzaiwo zvokuti Tenzi Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa, akatenda ndokuchimedura akati uyu muviri wangu unopirirwa imi. Itai izvi kuti mundiyeuke nazvo.
1 VaKorinde 11:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ini ndakagamucira kunaShe ico candakakupai ʋo, kuti Ishe Jesu noʋusiku bgaakapandukirwa, wakatora ciŋgwa; akati aʋoŋga, akacimeɗura, akati: Ici ndiwo muʋiri waŋgu unomeɗurirwa imi; itai iɀi mucindiraŋgarira.