1 VaKorinde 11:25-26
1 VaKorinde 11:25-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
1 VaKorinde 11:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke. Nokuti panguva dzose dzamunodya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu munoparidza rufu rwaTenzi kusvikira auya.
1 VaKorinde 11:25-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.
1 VaKorinde 11:25-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira. Nokuti ŋguʋa dzose, kana mucidya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kuȿikira aciʋuya.
1 VaKorinde 11:25-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)