1 VaKorinde 12:17-19
1 VaKorinde 12:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake. Dai kuri kuti muviri wose waingova mutezo mumwechete, muviri waizova papi.
1 VaKorinde 12:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana muʋiri wose raiʋa ziso, kunzwa kwaiʋepiko? Kana wose kwaiʋa kunzwa, kunhuwidza kwaiʋepiko? Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa. Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko?
1 VaKorinde 12:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko? Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive. Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?
1 VaKorinde 12:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko?
1 VaKorinde 12:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)