Mabasa 14:15
Mabasa 14:15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.
Mabasa 14:15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo.
Mabasa 14:15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
Mabasa 14:15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Varume, ko mavakuitireiko izvi? Tiri vanhuwo vakangofanana nemi uye tiri kukuunzirai Shoko Rakanaka tichikutaurirai kuti mutendeuke kune zvinhu izvi zvisina maturo muchienda kuna Mwari mupenyu akasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo.
Mabasa 14:15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋaciti: Ʋarume, munoitireiko iɀoɀi? Nesu tiri ʋanhu semi ʋo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaiɀoɀo ɀisinamaturo, mutendeʋukire kunaMŋari mupenyu wakaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo.