Esteri 8:17
Esteri 8:17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munyika imwe neimwe, uye mumaguta ose, makasvika chirevo chamambo, maiva nomufaro nokufarisisa pakati pavaJudha, vachiita mabiko nokupembera. Uye vanhu vazhinji vedzimwe ndudzi vakava vaJudha nokuda kwokutya kwakanga kwavabata.
Esteri 8:17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino parutivi rumwe norumwe rwenyika, napaguta rimwe nerimwe, pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, vaJudha vakafara nomufaro mukuru, vakaita mutambo nezuva romufaro. Vanhu vazhinji pakati pendudzi dzavanhu dzenyika vakazova vaJudha; nokuti vakanga vachitya vaJudha kwazvo.
Esteri 8:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munyika dzose idzodzo nomumaguta ose kwakasvikwa nechirevo chamambo nezvakanga zvatemwa namambo, makava nokufara nokupembera pakati pavaJudha. Kwakabva kwaitwa zuva guru okufara nokuzorora. Vamwewo mukati menyika iyoyi vakazviti vava vaJudha nokuti vakanga vawirwa nokutya vaJudha.
Esteri 8:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Munyika dzose idzodzo nomumaguta ose kwakasvikwa nechirevo chamambo nezvakanga zvatemwa namambo, makava nokufara nokupembera pakati pavaJudha. Kwakabva kwaitwa zuva guru okufara nokuzorora. Vamwewo mukati menyika iyoyi vakazviti vava vaJudha nokuti vakanga vawirwa nokutya vaJudha.
Esteri 8:17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino parutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, napaguta rimŋe nerimŋe, pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, ʋaJuda ʋakafara nomufaro mukuru, ʋakaita mutambo nezuʋa romufaro. Ʋanhu ʋazhinji pakati pendudzi dzaʋanhu dzenyika ʋakazoʋa ʋaJuda; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaJuda kwaɀo.