Jeremia 27:9
Jeremia 27:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi’.
Jeremia 27:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana murimi, regai kuterera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, ‘Hamungashumiri mambo weBhabhironi
Jeremia 27:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka imi chiregai kuteerera vaporofita venyu kana vashoperi venyu kunyange varoti venyu kana vafemberi venyu vemaminimini kana vanhu venyu vakaromba mushonga vari kukutii, hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi.
Jeremia 27:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana muri’mi, regai kuterera ʋaprofita ʋenyu, kana ʋaʋuki ʋenyu, kana kurota kwenyu, kana ʋafemberi ʋenyu, kana ʋaroyi ʋenyu, ʋanotaura nemi, ʋaciti: Hamuŋgashumiri mambo weBabironi
Jeremia 27:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)