Jobho 33:15-18
Jobho 33:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo, angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji, kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza, kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
Jobho 33:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhoo; Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo, Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza; Kuti adzore mweya wake pagomba. Hupenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
Jobho 33:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Anogona kutaura muchiroto kana muchioneso chousiku munhu akabatwa chaizvo nehope achikotsira pauriri hwake. Ndipo paanozarura vanhu nzeve obva aona kuti chaanoda kuti vadziidze vachidzidza, kuti munhu apinduke pane zvaanenge achiita uye kuti munhu arege kuzvikudza. Anodzivirira munhu kuwira mugomba uye kubaiwa nepfumo.
Jobho 33:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakurota, kana pane‐ɀinoʋonekwa ʋusiku, Kana munhu aɓatwa nehope kwaɀo, Kana aʋete panhoʋo; Ipapo unodziʋura nzeʋe dzaʋanhu, Nokusimbisa kurairwa kwaʋo, Kuti adzore munhu pakuʋaʋarira ɀakaipa, Nokuʋanzira munhu kuɀikudza; Kuti adzore mŋeya wake pagomba, Ʋupenyu bgake ʋurege kuparadzwa nomunondo.
Jobho 33:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)