Mika 2:12
Mika 2:12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
Mika 2:12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
Mika 2:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Imi vokwaJakobho ndichanyatsokukokorodzai mose zvenyu, ndichinyatsounganidza chitsama chakasara chevokwaIsiraeri. Ndichavaisa pamwechete sedanga rehwai, sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo, vari mhomho chaiyo yavanhu.
Mika 2:12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo ndicakuʋuŋganidzai imi mose, imi Jakobo; ɀirokwaɀo ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋaIsraeri; ndicaʋaisa pamŋe cete samakwai mucirugu, seɓoka ramakwai pakati pamafuro awo; ʋacaita ruzha rukuru nokuwanda kwaʋanhu.
Mika 2:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)