Mako 10:6-8
Mako 10:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’ Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
Mako 10:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kubva pakutanga kwokusikwa akavaita, ‘Munhurume nomunhukadzi.’ ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri; asi nyama imwe.’
Mako 10:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete.
Mako 10:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kubva pakutaŋga kwokusikwa wakaʋaita murume nomukadzi. Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe; nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe.
Mako 10:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)