VaFiripi 2:9-11
VaFiripi 2:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka Mwari akamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.
VaFiripi 2:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose, kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika, uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.
VaFiripi 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Mwari akamusimudzirawo pamusorosoro akamupa zita rapamusorosoro kupfuura mazita ose; zvokuti kuremekedza zita raJesu, mabvi ose avari kudenga navari pasi pano navari pasi penyika, anofanira kumupfugamira uye kuti rurimi rumwe norumwe rutaure pachena kuti Jesu ndiTenzi kuitira kuti Mwari Baba varumbidzwe.
VaFiripi 2:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka Mŋari wakamukudza ɀikuru, akamupa zita rinopfuʋura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, aʋari kuɗeŋga naʋari panyika, naʋari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mŋari, Ƃaɓa, arumbidzwe.
VaFiripi 2:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)