Mapisarema 137:3-4
Mapisarema 137:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!” Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe?
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 137Mapisarema 137:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, “Tiimbireiwo rwiyo rweZioni.” Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 137Mapisarema 137:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo vatapi vedu vaitikumbira dzimbo, varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti, “Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.” Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI munyika yavatorwa.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 137Mapisarema 137:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ipapo aʋo ʋakatitapa ʋakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Ʋakatiparadza ʋakakumbira mufaro, ʋaciti: Tiimbirei ʋo rwiyo rweZioni. Tiŋgaimba seiko rwiyo rwaJehova Munyika yaʋatorwa?
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 137