VaRoma 14:11-12
VaRoma 14:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ” Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
VaRoma 14:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Noupenyu hwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandipfugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
VaRoma 14:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari.
VaRoma 14:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe — ibvi rimŋe nerimŋe ricandifugamira, Rurimi rumŋe norumŋe rucakudza Mŋari. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe weɗu ucaɀiɗaʋirira kunaMŋari.