1
Genesi 2:24
Shona Bible 1949, revised 2002
Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe.
Krahaso
Eksploroni Genesi 2:24
2
Genesi 2:18
Jehovha Mwari akatizve, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
Eksploroni Genesi 2:18
3
Genesi 2:7
Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.
Eksploroni Genesi 2:7
4
Genesi 2:23
Munhu akati, “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.”
Eksploroni Genesi 2:23
5
Genesi 2:3
Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari.
Eksploroni Genesi 2:3
6
Genesi 2:25
Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.
Eksploroni Genesi 2:25
YouVersion përdor cookie për të personalizuar përvojën tuaj. Duke përdorur faqen tonë të internetit, ju pranoni përdorimin tonë të cookies siç përshkruhet në Politikën tonë të Privatësisë
Kreu
Bibla
Plane
Video