1
Mavambo 3:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo.
Krahaso
Eksploroni Mavambo 3:6
2
Mavambo 3:1
Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ”
Eksploroni Mavambo 3:1
3
Mavambo 3:15
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Eksploroni Mavambo 3:15
4
Mavambo 3:16
Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”
Eksploroni Mavambo 3:16
5
Mavambo 3:19
Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.”
Eksploroni Mavambo 3:19
6
Mavambo 3:17
Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose.
Eksploroni Mavambo 3:17
7
Mavambo 3:11
Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?”
Eksploroni Mavambo 3:11
8
Mavambo 3:24
Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Eksploroni Mavambo 3:24
9
Mavambo 3:20
Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose.
Eksploroni Mavambo 3:20
Kreu
Bibla
Plane
Video