1
Genesi 3:6
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo.
Jämför
Utforska Genesi 3:6
2
Genesi 3:1
Ɀino nyoka yakaŋga inamano kupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo dzakaŋga dzaitwa naJehova Mŋari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndiɀo here kuti Mŋari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?
Utforska Genesi 3:1
3
Genesi 3:15
Ndicaisa ruʋeŋgo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rucapxanya musoro wako, newe ucapxanya citsitsinho carwo.
Utforska Genesi 3:15
4
Genesi 3:16
Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako.
Utforska Genesi 3:16
5
Genesi 3:19
ucadya ɀokudya ɀako neziya reciso cako kuȿikira ucidzokera kuvu; nokuti wakatorwa kwariri. Ɀauri guruʋa, ucadzokera ɀe kuguruʋa.
Utforska Genesi 3:19
6
Genesi 3:17
Kumunhu akati: Ɀawakaterera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndiciti: Usaudya, ɀino nyika yatukwa nemhoȿa yako; ucadya ɀiɓereko ɀayo nokutambudzika mazuʋa ose oʋupenyu bgako
Utforska Genesi 3:17
7
Genesi 3:11
Iye akati: Ndianiko wakakuʋudza kuti hauna‐kusimira — Wadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya?
Utforska Genesi 3:11
8
Genesi 3:24
Naiɀoɀo akadziŋga munhu, akaisa makerubi kurutiʋi rwamabvazuʋa rwomunda weEdeni, nomuraɀo womunondo waimonereka kumatiʋi ose, kurindira nzira yomuti woʋupenyu.
Utforska Genesi 3:24
9
Genesi 3:20
Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Eva; nokuti ndiye mai ʋaʋapenyu ʋose.
Utforska Genesi 3:20
Hem
Bibeln
Läsplaner
Videor