Chapa ya Youversion
Ikoni ya Utafutaji

Mavambo 14

14
Abhuramu anonunura Roti
1Panguva yaAmuraferi mambo weShinari, Arioku mambo weErasari naKedhoriraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoimu, 2madzimambo iwaya akaita hondo namadzimambo aya anoti: Bhera mambo weSodhomu naBhirisha mambo weGomora naShinabhu mambo weAdhima naShemebheri mambo weZebhoimu namambo weBhera (kana kuti Zoari).
3Madzimambo iwaya ari mashanu akafunga zvokuita chirwirangwe akaunganidza hondo dzawo mubani reSidhimu kana kuti Gungwa roMunyu. 4Vakanga vari pasi pamambo Kedhoriraomeri kwamakore gumi nemaviri. Asi vakazomuitira chimurenga mugore regumi nechitatu. 5Zvino mugore regumi nechina Kedhoriraomeri akauya namadzimambo aaiva nawo akakunda vaRefaimu vaigara kuAsherotikarinaimu, nevaZuzimu kuHamu nevaEmimu kuShavhekiriataimu 6nevaHori mugomo ravo reSeiri kusvikira kuEriparani kumucheto werenje.
7Vakazodzoka vakaenda kuEnimishipati (kana kuti kuKadheshi), vakakurira nyika yose yavaAmereki navaAmori vakanga vagere Hazazonitamari.
8Madzimambo mashanu anoti, mambo weSodhomu namambo weGomora namambo weAdhima namambo weZebhoimu mambo weBhera (kana kuti Zoari) akandounganidza hondo dzawo mubani reSidhimu 9vakarwisana namadzimambo mana anoti; mambo weKedhoriraomeri weEramu namambo Tidhari weGoimu namambo Amuraferi weShinari namambo Arioku weErasari. Vakarwisana vachiti uku vana, uku vashanu. 10Bani reSidhimu rakanga riine migodhi mizhinji yetara. Madzimambo eSodhomu neGomora akatiza, vamwe vanhu vavo vakawira mumigodhi yacho. Vakasarawo vakatizira kumakomo. 11Madzimambo mana aye akapamba upfumi hwose hweSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose vakaenda nazvo. 12Kunyange Roti uya, mwanakomana womunun'una waAbhuramu akanga agere kuSodhomu vakamutapawo, vakapambawo upfumi hwake, vakaenda.
13Mumwewo akapunyuka ipapo akaenda akandoudza Abhuramu muHebheru kwaiva nemiti yemioku yokwaMamure kwavakanga vagere. Mamure uyu aiva worudzi rwevaAmori, iye aivawo mukoma nomunun'una naEshikoru naAneru. Ivava vose vaibatana pamwechete naAbhuramu pakurwa. 14Abhuramu paakanzwa zvokutapwa kwehama yake akaunganidza vanhu vake mazana matatu ane gumi navasere vakanga vakanyatsodzidziswa zvehondo vakaberekwa mumhuri dzavaranda vake. Vakaronda madzimambo aya kusvika kuDhani. 15Abhuramu akakamura varwi vake akavarwisa nousiku akavakunda, akavadzingirira kusvika kuHobha kuchamhembe kweDhamasikusi. 16Akadzoka nezvinhu zvose zvakanga zvapambwa, akadzokawo nehama yake Roti nezvinhu zvake, navakadzi navamwe vanhu.
Merekizedheki anokomborera Abhuramu
17Kuzoti Abhuramu adzoka kuya kwaakanga akunda Kedhoriraomeri namadzimambo aakanga anawo, mambo weSodhomu akandomuchingamidza pabani reShavhe (kana kuti bani raMambo). 18Merekizedhekiwo mambo weSaremu aiva mupristi waMwari Wokumusorosoro akauyawo nechingwa newaini kuna Abhuramu. 19Akamukomborera achiti;
“Mwari Wokumusorosoro,
Musiki wedenga napasi,
ngaakomborere Abhuramu.
20Ngaakudzwe Mwari Wokumusorosoro,
akaisa vavengi venyu mumaoko enyu.”
Abhuramu akabvisa chegumi chezvinhu zvose zvaakanga adzoka nazvo, akapa kuna Merekizedheki.
21Mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Pane zvawadzoka nazvo, ndipe vanhu utore zvako upfumi.”
22Asi Abhuramu akapindura mambo weSodhomu achiti, “Ndakapika naTenzi Mwari Wokumusorosoro 23ndichiti, ‘Pazvinhu zvenyu zvose handidi kutora kana chinhu zvacho, kunyange kashinda kana tambo zvayo yeshangu kuti murege kuzondikonora muchiti, ndini ndakatopfumisa Abhuramu.’ 24Ini pachangu handidi chinhu. Zvakadyiwa navarwi vangu pamwechete nomugove unopiwa vanhu vandakaenda navo, ndizvo zvanguwo zvandinowana. Asi regai Aneru naEshikoru naMamure vatore mugove wavo.”

Iliyochaguliwa sasa

Mavambo 14: SCLBC

Kuonyesha

Shirikisha

Nakili

None

Je, ungependa vivutio vyako vihifadhiwe kwenye vifaa vyako vyote? Jisajili au ingia