Ruka 20
20
Simba raJesu rinobvepi?
(Mat 21:23–27; Mak 11:27–33)
1Nerimwe zuva Jesu paaidzidzisa vanhu muTemberi achiparidza Shoko Rakanaka, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru, vakauya vakati kwaari, 2“Tiudze kuti unoita zvinhu izvi nesimba raani kana kuti ndiani akakupa simba irori?” 3Akavapindura achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai mubvunzo. 4Nditaurirei, ruombeko rwaJohani rwaibva kudenga here kana kuvanhu?” 5Vakambokurukurirana pachavo vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga iye achati ko makaregererei kutenda kwaari. 6Kana tikati runobva kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe nokuti vanobvuma kuti Johani aiva muporofita.” 7Ipapo vakapindura vachiti, “Hatizivi kuti rwaibva kupi.” 8Jesu akati kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.”
Muenzaniso wavarimi vasina kururama
(Mat 21:33–46; Mak 12:1–12)
9Akatanga kutaurira vanhu muenzaniso uyu achiti, “Mumwe munhu akarima munda wamagirepisi akaupa kuna vamwe vanhu vokuushandisa vachimubhadhara ndokuenda kune imwe nyika kwenguva ndefu. 10Nguva payakasvika, akatuma muranda kuna vaya vaishandisa munda wake kuti vamupewo mimwe michero womunda wamagirepisi, asi vaishandisa munda vaya vakamurova vakamuendesa asina chaanacho. 11Akatumira mumwe muranda; naiyewo vakamurova vakamuitira zvinonyadzisa uye vakamuendesa asina chaanacho. 12Akatumirazve wechitatu. Uyu vakamukuvadza vakamukanda kunze. 13Muridzi womunda akati, ‘Ndoita sei? Ndichatumira mwanakomana wangu wapamwoyo zvimwe vangamuremekedze.’ 14Asi vaya vaishandisa munda pavakamuona vakataurirana pachavo vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye kuti nhaka ive yedu.’ 15Vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Muridzi womunda achaitei kwavari? 16Achauya agoparadza vaya vokushandisa munda vaya achizopa munda wamagirepisi uya kuna vamwe.” Pavakanzwa izvi vakati, “Hazvidi kudaro.” 17Jesu akavatarisa akati, “Ko izvi zvakanyorwa zvinorevei zvinoti,
“ ‘Dombo rakarambwa navavaki iroro
ndiro rakava dombo rakakoshesesa rapakona.’
18“Munhu wose anowira padombo iroro anobva adanzurwa danzurwa. Asi rikawira munhu rinomupwanya.”
Mutero kuna Siza
(Mat 22:15–22; Mak 12:13–17)
19Nyanzvi dzomutemo navapristi vakuru vakaedza kumubata panguva iyoyo asi vakatya vanhu nokuti vakanga vazviona kuti akanga ataura muenzaniso uyu akananga ivo. 20Saizvozvo vainyatsomutarisisa. Vakatumira vasori vaiita sevakatendeka vachiitira kuti vamubate pakutaura kwake kuti vamuturire kuvakuru vakuru nomumaoko agavhuna. 21Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvazviri uye hamusaruri asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri pachokwadi. 22Zviri pamutemo here kubvisa mutero kuna Siza kana kuti kwete?” 23Asi iye akaona unyengedzi hwavo akati kwavari, 24“Ndiratidzei mari chena imwechete yemadhenari. Ine mufananidzo norunyoro rwaani?” Vakati, “NdezvaSiza.” 25Iye akati kwavari, “Nezvo ipai kuna Siza zvaSiza mupewo kuna Mwari zvaMwari.” 26Havana kugona kumubata pane vanhu mune zvaakataura. Vakangoshamiswa nemhinduro yake vakanyarara.
Zvokumuka kwavakafa
(Mat 22:23–33; Mak 12:18–27)
27Kwakauya kwaari vaSadhusei, vaya vanoti hapana zvokumuka kwavakafa. Vakabvunza Jesu mubvunzo vachiti, 28“Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa iye ane mudzimai asi pasina vana, munun'una wake anofanira kutora mudzimai agoberekera mukoma wake vana.’ 29Zvino, paiva navanhu vaiva mukomanomunun'una vanomwe. Wokutanga akaroora mudzimai akafa asina vana. 30Wechipiri newechitatu vakamutorawo, 31ndizvo zvimwechete navose vari vanomwe, havana kusiya vana. 32Mushure macho, mudzimai uya akazofawo. 33Ko zvino pakumuka kwavakafa achava mudzimai waani nokuti vose vari vanomwe akava mudzimai wavo?”
34Jesu akati kwavari, “Vanhu varizvino#20:34 Varizvino: Izvi zvinoreva nguva yose kubva kuna Adhamu kusvika kuguma kwapasi. vanoroora uye vanoroorwa. 35Asi avo vanokodzera kusvika mune ramangwana#20:35 Mune ramangwana: Izvi zvinoreva nguva yomushure mokuguma kwapasi. uye pakumuka kwavakafa, havazoroori kana kuroorwa 36nokuti havachafazve pamusana pokuti vanenge vaita savatumwa uye vanenge vava vana vaMwari uye vanenge vava vanhu vokumuka kuvafi. 37Asi zvokuti vakafa vanomutswa, kunyange Mosesi akazviratidza mundima iya yegwenzi raipfuta moto maanoti Tenzi ndiMwari waAbhurahamu naMwari waIsaki naMwari waJakobho. 38Zvino haasi Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu nokuti kwaari vose vapenyu.” 39Dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakapindura dzichiti, “Mudzidzisi mataura zvakanaka.” 40Havana kuzoita chivindi chokumubvunza mumwe mubvunzo.
Kristu ndiTenzi Dhavhidhi
(Mat 22:41–46; Mak 12:35–37)
41Jesu akati kwavari, “Nhai imi, ko vanhu vanoti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi seiko?’ 42Inga iye Dhavhidhi pachake mubhuku renziyo anoti,
“ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu,
Gara kurudyi rwangu
43kusvikira ndaita mhandu dzako
chitambarariko chetsoka dzako.’ ”
44Dhavhidhi anomuti, “Tenzi saizvozvi, ko anogova mwana wake sei?”
Kusatendeka kwenyanzvi dzomutemo
(Mat 23:1–36; Mak 12:38–40)
45Jesu akataurira vadzidzi vake, vanhu vose vachinzwa. 46Akati, “Ngwarirai nyanzvi dzomutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu, vanoda kukwaziswa pamisika nokuwana zvigaro zvakanaka mumasinagogu nenzvimbo dzapamusoro dzavakuru vakuru pamabiko. 47Vanodya twemba dzechirikadzi; uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesa.”
Iliyochaguliwa sasa
Ruka 20: SCLBC
Kuonyesha
Shirikisha
Nakili
Je, ungependa vivutio vyako vihifadhiwe kwenye vifaa vyako vyote? Jisajili au ingia
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: