Ruka 22
22
VI: DAMBUDZIKO NORUFU RWAJESU
Bangano rokuda kuuraya Jesu
(Mat 26:1–5; Mak 14:1–2; Joh 11:45–53)
1Zvino zuva guru rechingwa chisina mbiriso rinonzi Pasika rakanga ravakuda kusvika. 2Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakanga vachitsvaka kuti vangamuuraye sei nokuti vaitya vanhu.
Judhasi anobvuma kutengesa Jesu
(Mat 26:14–16; Mak 14:10–11)
3Zvino Satani akapinda muna Judhasi ainzi Isikarioti, aiva mumwe wavane gumi navaviri. 4Akaenda akandorangana navavakuru namapurisa kuti angamuturire sei kwavari. 5Vakafara vakatsidza kumupa mari. 6Iye akabvuma, akatsvaka nguva yakanaka yokumuturira kwavari nayo pasina vanhu vakawanda.
Kugadzirira chirariro
(Mat 26:17–25; Mak 14:12–21; Joh 13:21–30)
7Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro. 8Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.” 9Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.” 10Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda 11mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ 12Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.” 13Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika.
Chirariro chaJesu navadzidzi vake
(Mat 26:26–30; Mak 14:22–26; 1 Vak 11:23–25)
14Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. 15Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika 16nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.”
17Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu 18nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” 19Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.” 20Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu.
21“Asi chinzwai, achandipandukira ari kuseva neni mundiro. 22Mwanakomana womunhu anoenda zvake nenzira yaakatemerwa. Asi zvichamuwana munhu uyo anomutengesa.” 23Vakatanga kubvunzana kuti, “Ndiani wavo akanga achazoita izvozvo.”
Ndiani mukuru pakati pavadzidzi vaJesu?
24Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose. 25Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. 26Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri. 27Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri.
28“Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu, 29sokundipa kwakaita Baba umambo ini ndinohupawo kwomuri 30kuti muzodya nokumwa patafura neni muumambo hwangu makagara pazvigaro zvokutonga muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri.
Pita akaramba Jesu
(Mat 26:31–35; Mak 14:27–31; Joh 13:36–38)
31“Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. 32Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” 33Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” 34Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.”
Nguva yakaomarara
35Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.” 36Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa. 37Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ” 38Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.”
Jesu anonamata pagomo remiorivhi
(Mat 26:36–46; Mak 14:32–42)
39Akabuda akaenda, samaitiro ake kugomo reMiorivhi. Vadzidzi vake vakamutevera. 40Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.” 41Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti, 42“Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo#22:42 Mukombe wenhamo: MuchiGiriki munoti mukombe chete. uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.”
[ 43Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza. 44Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.] 45Paakasimuka paainamata, akauya kuvadzidzi akavawana vakakotsira nemhaka yokusuwa. 46Akati kwavari, “Sei muchikotsira, mukai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.”
Kusungwa kwaJesu
(Mat 26:47–56; Mak 14:43–50; Joh 18:3–11)
47Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda. 48Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?”
49Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?” 50Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi. 51Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa. 52Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo. 53Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.”
Pita anoramba Jesu
(Mat 26:57–58,69–75; Mak 14:53–54,66–72; Joh 18:12–18,25–27)
54Vakabata Jesu vakaenda naye. Vakaenda naye kuimba yomupristi mukuru. 55Pita akatevera ari chinhambwe. Pavakakuhwidza moto pakati penhandare vakagara pasi pamwechete, Pita akagarawo pakati pavo. 56Mumwe musikana webasa paakamuona akagara pane chiedza akamunan'anidza akati, “Murume uyu anga ainayewo uyu.” 57Asi Pita akaramba achiti, “Mukadzi iwe, ini handimuzivi.” 58Mushure mechinguvana mumwewo munhu akamuona akati kwaari, “Newewo uri mumwe wavo iwe.” Asi Pita akati, “Murume iwe handisini.” 59Mumashure mechinhambo chinoita awa imwechete, mumwezve akasimbisisa achiti, “Chokwadi chokwadi munhu uyu anga ainaye nokuti muGarirea.” 60Pita akati, “Murume iwe, handizivi zvauri kutaura.” Pakare pakarepo achiri kutaura kudaro jongwe ndokubva rakukuridza. 61Tenzi akacheuka akatarisa Pita. Pita akayeuka shoko raTenzi zvaakanga ati kwaari, “Jongwe risati rakukuridza nhasi uno uchandiramba rutatu.” 62Akabuda akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.
Jesu anonyombwa nokurohwa
(Mat 26:67–68; Mak 14:65)
63Zvino varume vakanga vakachengetedza Jesu vakamunyomba vachimurova. 64Vakamusunga kumeso vachimubvunza vachiti, “Porofitaka. Ndiani akurova.” 65Vakataura mamwe mazwi mazhinji vachimushonha.
Jesu pamberi pedare ravaJudha
(Mat 26:59–66; Mak 14:55–64; Joh 18:19–24)
66Kwaedza, gungano ravakuru–vakuru vavanhu rakaungana, vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakaenda naye kudare ravo vakati, 67“Kana uriwe Kristu tiudze.” Asi iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai zvangu hamutendi. 68Uye kana ndikakubvunzai hamundipinduri 69asi kubvira zvino Mwanakomana womunhu achagara ari kurudyi rwaMwari Samasimbaose.” 70Vose vakati, “Saka uri Mwana waMwari nhai?” Iye akati kwavari, “Inga imi matozvireva wani. Kuti ndini iye” 71Ivo vakati, “Tichadirei humwe humbowo. Tazvinzwira iyesu achitaura nomuromo wake.”
Iliyochaguliwa sasa
Ruka 22: SCLBC
Kuonyesha
Shirikisha
Nakili
Je, ungependa vivutio vyako vihifadhiwe kwenye vifaa vyako vyote? Jisajili au ingia
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: