Isaya 4

4
1Pazuva iro vakadzi
vanomwe vachabata murume mumwe vagoti,
“Tichadya zvokudya zvedu
uye tichazvitsvakira zvokufuka.
Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi.
Bvisa kunyadziswa kwedu!”
Davi raJehovha
2Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri. 3Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema. 4Jehovha achashambidza tsvina yevakadzi veZioni; achanatsa makwapa eropa kubva muJerusarema nomweya wokutonga uye nomweya womoto. 5Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro. 6Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya.

Seçili Olanlar:

Isaya 4: BDSC

Vurgu

Kopyala

Karşılaştır

Paylaş

None

Önemli anlarınızın tüm cihazlarınıza kaydedilmesini mi istiyorsunuz? Kayıt olun ya da giriş yapın