Genesi 20
20
Abrahama munyika yeGerari; unoti Sara haazi mukadzi wake.
1Ɀino Abrahama wakabva’po, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadeshi neShuri; akaʋa mutorwa muGerari. 2Abrahama akati pamsoro paSara, mukadzi wake: Ihanɀadzi yaŋgu; Abimereki, mambo weGerari, akatuma ʋanhu kundotora Sara. 3Asi Mŋari wakaʋuya kunaAbimereki ʋusiku pakurota, akati kwaari: Tarira, ucafa nokuɗa kwomukadzi wawatora; nokuti mukadzi uyu unomurume. 4Ɀino Abimereki wakaŋga asina‐kusweɗera kwaari; akati: Ishe, mucaʋuraya norudzi rwakarurama ʋo here? 5Ko iye haana‐kundiʋudza here, aciti, ihanɀadzi yaŋgu; naiye mukadzi haana‐kuti, ihanɀadzi yaŋgu, here — Ndakaita iɀoɀo nomŋoyo wakarurama namaʋoko akacena. 6Mŋari akati kwaari pakurota: Hoŋo, ndinoziʋa kuti wakaita cinhu ici nomŋoyo wakarurama, ndikakudziʋisa ʋo kuti urege kunditadzira; naiɀoɀo handina‐kukutendera kumuɓata. 7Saka ɀino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita; iye ucakunyeŋgeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uziʋe kuti ucafa ɀirokwaɀo, iwe naʋose ʋari ʋako. 8Abimereki akamuka maŋgwanani, akaɗana ʋaranda ʋake ʋose, akaʋaʋudza iɀoɀo ɀose munzeʋe dzaʋo; ʋarume ʋakavunduka kwaɀo. 9Ipapo Abimereki akaɗana Abrahama, akati kwaari: Cinyiko cinhu ici cawatiitira — Ini ndakutadzireiko, ɀawaʋuyisa mhoȿa huru pamsoro paŋgu napamsoro poʋushe bgaŋgu — Wandiitira ɀisakafanira kuitwa. 10Abimereki akati kunaAbrahama: Waŋga uciti kuɗiniko, ɀawaita cinhu ici? 11Abrahama akati: Nokuti ndakati: Ɀirokwaɀo haʋatyi Mŋari panɀimbo ino; ɀimŋe ʋacandiʋuraya pamsoro pomukadzi waŋgu. 12Ʋuye, ɀirokwaɀo ihanɀadzi yaŋgu, mukunda waɓaɓa ʋaŋgu, asi haazi mŋana wamai ʋaŋgu; akazowanikwa neni. 13Ɀino Mŋari wakati acindiɓuɗisa paimba yaɓaɓa ʋaŋgu, kuti ndidzuŋgaire, ndikati kwaari: Heci cinhu cakanaka caunofanira kundiitira: Pose patinoȿika, uti pamsoro paŋgu, ihanɀadzi yaŋgu. 14Abimereki akatora makwai, neŋombe, naʋaranda, naʋarandakadzi, akapa Abrahama iɀoɀo, akamudzosera ʋo Sara, mukadzi wake. 15Abimereki akati: Tarira, nyika yaŋgu iri pamberi pako; gara hako paunoɗa. 16Akati kunaSara: Tarira, ndapa hanɀadzi yako mashekeri esirveri anecuru cezana#20:16 Pondo dzineŋge zana namakumi manna.; cicaʋa cifukidziro cameso ako kunaʋose ʋaunaʋo; waruramiswa pamberi paʋose. 17Abrahama akanyeŋgetera kunaMŋari, Mŋari akaporesa Abimereki, nomukadzi wake, naʋarandakadzi ʋake, ʋakaɓereka ʋana. 18Nokuti Jehova wakaŋga azarira ɀiɀaro ɀose ɀaʋeimba yaAbimereki nokuɗa kwaSara, mukadzi waAbrahama.
Đang chọn:
Genesi 20: SUB1949
Tô màu
Chia sẻ
Sao chép

Bạn muốn lưu những tô màu trên tất cả các thiết bị của mình? Đăng ký hoặc đăng nhập
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: