Johane 3
3
Jesu naNikodimo.
1Kwaiʋa’po mumŋe waʋaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru waʋaJuda. 2Iye akaʋuya kwaari ʋusiku, akati kwaari: Rabi, tinoziʋa kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMŋari; nokuti hakunomunhu unogona kuita ɀiratidzo iɀoɀo ɀamunoita, kana Mŋari asi naye. 3Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari. 4Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here? 5Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. 6Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. 7Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa. 8Mhepo inovuvuta painoɗa napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauziʋi painobva napainoenda; mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa noMŋeya wakaɗaro. 9Nikodimo akapindura, akati kwaari: Ɀinhu iɀi ɀiŋgagoitwa seiko? 10Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi waʋaIsraeri, haunzwisisi ɀinhu iɀoɀi here? 11Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Tinotaura ɀatinoziʋa, tinopupura ɀatakaʋona; asi imi hamugamuciri kupupura kweɗu. 12Kana ndakakuʋudzai ɀinhu ɀenyika, mukasatenda, muŋgagotenda seiko, kana ndicikuʋudzai ɀinhu ɀokuɗeŋga? 13Hakunomunhu wakakwira kuɗeŋga, asi iye wakaɓuruka kuɗeŋga, iye Mŋanakomana womunhu. 14Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo, 15kuti aninani unotenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi.
16Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. 17Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. 18Unotenda kwaari, haatoŋgwi; asi usiŋgatendi kwaari, watotoŋgwa, nokuti haana‐kutenda kuzita roMŋanakomana waMŋari wakaɓerekwa mumŋe woga. 19Kutoŋgwa ndokuku, kuti ciedza cakaȿika panyika, asi ʋanhu ʋakaɗa rima kupfuʋura ciedza, nokuti maɓasa aʋo akaŋga akaipa. 20Nokuti mumŋe nomumŋe, unoita ɀakaipa, unoʋeŋga ciedza, haaʋuyi paciedza, kuti maɓasa ake arege kuɓuɗiswa pacena. 21Asi unoita ɀokwaɗi, unoʋuya paciedza, kuti maɓasa ake aʋonekwe, kuti akaitwa munaMŋari.
Kupupura kwaJohane Mubapatidzi.
22Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaȿika munyika yeJudea, naʋadzidzi ʋake, akagara’ko naʋo acibapatidza. 23NaJohane wakaŋga acibapatidza ʋo paAinoni, pedyo neSarimi, nokuti kwaiʋa nemvura zhinji ipapo; ʋakaʋuya, ʋakabapatidzwa. 24Nokuti Johane wakaŋga acigere kuiswa mutoroŋgo. 25Ɀino nharo dzikamuka pamsoro pokuɀinatsa pakati paʋadzidzi ʋaJohane nomumŋe muJuda. 26Ʋakaʋuya kunaJohane, ʋakati kwaari: Rabi, uya waiʋa nemi mhiri kwaJoridani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobapatidza, ʋuye ʋose ʋanoʋuya kwaari. 27Johane akapindura, akati: Munhu haaŋgagamuciri cinhu, kana asina‐kucipiwa cicibva kuɗeŋga. 28Imi mumene muŋgandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumŋa pamberi pake. 29Unomŋeŋga ndico cikomba; asi shamŋari yecikomba inomira icimunzwa, inofara ɀikuru nenzwi recikomba. Naiɀoɀo kufara kwaŋgu uku kwazadzika. 30Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kuɗukupiswa.
31Unobva kumsoro ndiye uri pamsoro paʋose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura ɀenyika; unobva kuɗeŋga ndiye uri pamsoro paʋose. 32Ɀaakaʋona neɀaakanzwa, ndiɀo ɀaanopupura; asi hakunomunhu unogamucira kupupura kwake. 33Uyo wakagamucira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mŋari ndowaɀokwaɗi. 34Nokuti wakatumŋa naMŋari, ndiye unotaura mashoko aMŋari; nokuti haapi Mŋeya aciyera. 35Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋakamupa ɀose muruʋoko rwake. 36Unotenda kuMŋanakomana, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; asi usiŋgatereri Mŋanakomana, haaŋgaʋoni ʋupenyu, asi kutsamŋa kwaMŋari kunogara pamsoro pake.
Đang chọn:
Johane 3: SUB1949
Tô màu
Chia sẻ
Sao chép
Bạn muốn lưu những tô màu trên tất cả các thiết bị của mình? Đăng ký hoặc đăng nhập
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: