1
Johani 13:34-35
Shona Bible 1949, revised 2002
“Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”
對照
探尋 Johani 13:34-35
2
Johani 13:14-15
Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu. “Ndakakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.
探尋 Johani 13:14-15
3
Johani 13:7
Jesu akapindura, akati kwaari, “Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.”
探尋 Johani 13:7
4
Johani 13:16
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa mukuru kune akamutuma.
探尋 Johani 13:16
5
Johani 13:17
Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
探尋 Johani 13:17
6
Johani 13:4-5
akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.
探尋 Johani 13:4-5
首頁
聖經
計畫
視訊